Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 39

Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu

nokuchengeta rurimi rwangu pachivi;

ndichaisa matomu pamuromo wangu

kana vakaipa vari pamberi pangu.”

Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama,

ndisingatauri kana chakanaka zvacho,

kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa.

Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu,

uye pandakafungisisa, moto ukapisa;

ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:

“Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu

nokuwanda kwamazuva angu;

ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.

Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu;

kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu.

Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.

Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake:

anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina;

anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.

“Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko?

Tariro yangu iri mamuri.

Ndiponesei pakudarika kwangu kwose;

regai kundiita chiseko chamapenzi.

Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu,

nokuti ndimi makaita izvi.

Bvisai shamhu yenyu kwandiri;

ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.

Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo,

munoparadza pfuma yavo sechipfukuto,

munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera

“Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha,

rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro;

regai kuva matsi pakuchema kwangu.

Nokuti ndigere nemi somutorwa,

somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.

Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve

ndisati ndabva uye ndisisipo.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.