Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 138
Pisarema raDhavhidhi.
Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;
ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.”
Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene,
uye ndicharumbidza zita renyu
nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu,
nokuti makakudza zita renyu
neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose.
Pandakadana, imi makandipindura;
makandishingisa nomwoyo wakasimba.
Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha,
pavanonzwa mashoko omuromo wenyu.
Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru.
Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa,
asi vanozvikudza anovaziva vari kure.
Kunyange ndikafamba pakati penhamo,
munochengetedza upenyu hwangu;
munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu,
munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.
Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni;
rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi,
musasiya mabasa amaoko enyu.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.