Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 131
Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.
Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi,
meso angu haana manyawi;
handina hanya nezvinhu zvikuru
kana zvinhu zvinonyanya kushamisa.
Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu;
somwana akarumurwa namai vake,
somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.
Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha,
kubva zvino nokusingaperi.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.