Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 128
Rwiyo rworwendo.
Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,
vanofamba munzira dzake.
Uchadya chibereko chokushanda kwako;
maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.
Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka,
pakati peimba yako;
vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi,
vakakomberedza tafura yako.
Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa,
anotya Jehovha.
Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni,
mazuva ose oupenyu hwenyu;
muone henyu kubudirira kweJerusarema,
uye murarame kuti muone vana vavana venyu.
Rugare ngaruve pana Israeri.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.