Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 110
Pisarema raDhavhidhi
Jehovha akati kuna She wangu,
“Gara kuruoko rwangu rworudyi,
kusvikira ndaita vavengi vako
chitsiko chetsoka dzako.”
Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni;
uchatonga pakati pavavengi vako.
Mauto ako achazvipira
pazuva rako rehondo.
Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene,
kubva pachizvaro chamambakwedza
uchagamuchira dova roujaya hwako.
Jehovha akapika,
uye haangashanduki, achiti,
“Iwe uri muprista nokusingaperi,
worudzi rwaMerikizedheki.”
Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi;
achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.
Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa,
uye achiparadza vatongi venyika yose.
Achanwa parukova rwuri parutivi penzira;
naizvozvo achasimudza musoro wake.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.