Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Zvirevo 26

Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa,

rukudzo haruna kufanira kubenzi.

Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve,

saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita.

Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro,

uye shamhu musana webenzi!

Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro,

kana kuti iwe pachako uchafanana naro.

Pindura benzi maererano noupenzi hwaro,

kuti rirege kuona sokuti rakachenjera.

Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo,

ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi.

Samakumbo echirema akangorembera ndizvo

zvakaita chirevo mumuromo webenzi.

Sokusungira ibwe pachipfuramabwe

ndizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi.

Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa,

ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi.

Somuwemburi weuta anopfura pose pose,

ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake.

Sembwa inodzokera kumarutsi ayo,

ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro.

Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here?

Benzi rinotova netariro kupfuura iye.

Simbe inoti, “Kune shumba kunzira,

shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!”

Segonhi rinotenderera pamahinji aro,

ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo.

Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro;

inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo.

Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo

kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.

Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo,

ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye.

Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto,

kana miseve inouraya,

ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake

uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!”

Pasina huni moto unodzima;

pasina makuhwa kukakavara kunopera.

Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto,

ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave.

Mashoko eguhwa akaita semisuva

yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu.

Sezvinopenya zvakanamirwa kunze kwomudziyo wevhu,

ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa.

Muparadzi anozvivanza namatauriro ake,

asi mumwoyo make akaviga ruvengo.

Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura,

nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe.

Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake,

asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano.

Kana munhu akachera gomba, achawira mariri;

kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake.

Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa,

uye muromo unobata kumeso unoparadza.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.