Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Zvirevo 22

Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji;

kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.

Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi:

Jehovha ndiye Musiki wavo vose.

Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda,

asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo.

Kuzvininipisa nokutya Jehovha

kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo,

asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo,

uye anokwereta anova muranda weanokweretesa.

Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko,

uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.

Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa,

nokuti anopa varombo zvokudya zvake.

Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo;

kupopotedzana nokutukana kunoguma.

Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka,

achava shamwari yamambo.

Meso aJehovha anorinda zivo,

asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.

Simbe inoti, “Panze pane shumba,”

kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”

Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika;

uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.

Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana,

asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.

Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake

nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.

Mashoko oMuchenjeri

Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri;

isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,

nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako,

uye ugare wakagadzirira kuataura ose.

Kuti uvimbe naJehovha,

ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.

Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here,

mashoko edzidziso noruzivo,

kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika,

kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno

uyo akakutuma?

Usatorera varombo nokuti varombo,

uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva,

nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo,

uye achapamba vanovapamba.

Usaita ushamwari nomunhu ane hasha,

uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa,

kuti urege kudzidza tsika dzake,

uye urege kuzviteya nomusungo.

Usava munhu anombunda ruoko pamhiko,

kana kuzviita rubatso pazvikwereti;

kana usina chaungaripa nacho,

uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo.

Usabvisa dombo romuganhu wakare,

wakaiswapo namadzibaba ako.

Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here?

Achashanda pamberi pamadzimambo;

haangashandiri vanhu vasina maturo.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.