Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Numeri 15

Zvimwe Zvipiriso

Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare, uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuhwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kana zvipiriso zvemitambo, ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefa1 youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini2 yamafuta. Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa.

“ ‘Munofanira kugadzira negondobwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefa3 youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini4 yamafuta, uye nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuhwira chinofadza kuna Jehovha.

“ ‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana, munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu kubva mugumi cheefa5 youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehini6 yamafuta pamwe chete nehando. Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira chinofadza Jehovha. Hando imwe neimwe kana gondobwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi. Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira.

“ ‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. Kuzvizvarwa zvinotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi. Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa. Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’ ”

Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso. Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro. Kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga.

Zvipiriso zvezvivi zvisina kuitwa nobwoni

“ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha, zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera, uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, nenhongo yembudzi kuti ive chipiriso chechivi. Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi. Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi.

“ ‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi. Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa. Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa.

“ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ”

Munhu akaputsa murayiro weSabata anourayiwa

VaIsraeri vachiri murenje, mumwe murume akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata. Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose, uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvaifanira kuitwa kwaari. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Murume uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.” Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha.

Pfunha paNguo

Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira kuzvizvarwa zvichatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe. Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu. Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

Source notes (6)
  1. Footnote marita angaita 2
  2. Footnote rita uyewo nomundima 5
  3. Footnote marita angaita 4.5
  4. Footnote marita angaita 1.2, uyewo nomundima 7
  5. Footnote marita angaita 6.5
  6. Footnote marita angaita 2, uyewo nomundima 10

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.