Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Nehemia 10
Zvino avo vakaisa chisimbiso ndeava:
Nehemia mubati, mwanakomana waHakaria,
Zedhekia, Seraya, Azaria, Jeremia,
Pashuri, Amaria, Marikia,
Hakushi, Shebhania, Maruki,
Harimu, Meremoti, Obhadhia,
Dhanieri, Ginetoni, Bharuki,
Meshurami, Abhija, Mijamini,
Maazia, Bharigai naShemaya.
Ava ndivo vaiva vaprista.
VaRevhi vaiti:
Jeshua mwanakomana waAzania, Bhinui wokuvanakomana vaHenadhadhi, Kadhimieri,
nehama dzavo: Shebhania,
Hodhia, Kerita, Peraya, Hanani,
Mika, Rehobhi, Hashabhia,
Zakuri, naSherebhia, Shebhania,
Hodhia, Bhani naBheninu.
Vatungamiri vavanhu vaiva ava:
Paroshi, Pahati-Moabhu, Eramu, Zatu, Bhani,
Bhuni, Azigadhi, Bhebhai,
Adhoniya, Bhigivhai, Hadhini,
Ateri, Hezekia, Azuri,
Hodhia, Hashumi, Bhezai,
Harifi, Anatoti, Nebhai,
Magipiashi, Meshurami, Heziri,
Meshezabheri, Zadhoki, Jadhua,
Peratia, Hanani, Anaya
Hoshea, Hanania, Hashubhi,
Harosheshi, Piriha, Shobheki,
Rehumi, Hashabhina, Maaseya,
Ahia, Hanani, Anani,
Maruki, Harimi naBhaana.
“Uye vamwe vanhu vose, vaiti vaprista, vaRevhi, vachengeti vemikova, vaimbi, vashandi vomutemberi, navose vakazvitsaura kubva kuvanhu vakavakidzana navo, nokuda kwomurayiro waMwari, pamwe chete navakadzi vavo, navanakomana vavo vose navanasikana vavo vose vaigona kunzwisisa. Zvino ava vose vakabatana pamwe chete nehama dzavo ivo vakuru, uye vakazvisunga nechituko nemhiko kuti vatevere Murayiro waMwari wakapiwa kubudikidza naMozisi muranda waMwari uye kuti vachenjerere kuteerera zvose zvakarayirwa, nezvakatemwa uye nemitemo yaJehovha Ishe wedu.
“Tinovimbisa kuti hatizopa vanasikana vedu kuti vawanikwe navanhu vakatipoteredza kana kutorera vanakomana vedu vanasikana vavo.
“Kana vanhu vatakavakidzana navo vakauya nezvokutengesa kana zviyo kuzotitengesera neSabata, hatizovatengeri nomusi weSabata kana pazuva ripi zvaro dzvene. Pagore rechinomwe roga roga ticharegedza kushanda muminda uye tichadzima zvikwereti zvose.
“Tinozvipira kuita zvakarayirwa kuti tipe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu cheshekeri1 gore negore kushumiro yeimba yaMwari wedu: kuchingwa chakaiswa patafura, kuzvipiriso zvenguva nenguva zvezviyo, nezvipiriso zvinopiswa nomoto, kuzvipiriso zvinopiwa pamaSabata nokumitambo yoKugara kwoMwedzi uye nokumitambo yakatarwa, kuzvipiriso zvitsvene; kuzvipiriso zvechivi zvokuyananisira Israeri, nokumabasa ose omuimba yaMwari.
“Isu vaprista, navaRevhi uye navanhu, takanda mijenya kuti tione kuti mhuri imwe neimwe yedu inouya rini kuimba yaJehovha Mwari wedu, nechipo chehuni dzinopiswa paaritari yaJehovha Mwari wedu, panguva yakatarwa, gore negore, sezvazvakanyorwa mumurayiro.
“Tazvipirazve pabasa rokuuya kuimba yaJehovha nezvibereko zvokutanga zvezviyo nezvemiti yemichero yose gore negore.
“Tichauya namatangwe avanakomana vedu neemombe dzedu, neezvipfuwo zvedu neemakwai edu kuimba yaMwari wedu, nokuvaprista vanoshumira imomo, sezvazvakanyorwa muMurayiro.
“Pamusoro pezvo, tichauyisa kumatura eimba yaMwari wedu, nokuvaprista, zvibereko zvokutanga zvevhu, zvipiriso zvedu zvezviyo, nezvemiti yose yemichero nezvewaini yedu itsva uye namafuta. Uye tichauyisa chegumi chezviyo zvedu kuvaRevhi, nokuti vaRevhi ndivo vanounganidza zvegumi mumaguta ose atinoshanda. Muprista worudzi rwaAroni anofanira kuenda navaRevhi pavanogamuchira zvegumi, uye vaRevhi vanofanira kuuya nechegumi chezvegumi kuimba yaMwari wedu, kumatura eimba yepfuma. Vanhu vaIsraeri pamwe chete navaRevhi, vanofanira kuuya nezvipo zvavo zvezviyo, newaini itsva uye namafuta kumatura kunochengeterwa midziyo yose yenzvimbo tsvene, uye kunogara vaprista vanoshumira, navarindi vemikova navaimbi.
“Hatizoshayiri hanya imba yaMwari wedu.”
Source notes (1)
- Footnote magiramu angaita 4
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.