Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mateo 22

Mufananidzo woMutambo weSvitsa

Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa. Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.

“Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’

“Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake. Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya. Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.

“Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye. Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’ Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.

“Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa. Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.

“Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’

“Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”

Kuripa Mutero kuna Kesari

Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake. Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani. Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”

Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko? Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”

Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”

Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”

Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.

Waniso paKumuka kwaVakafa

Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana. Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi. Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe. Pakupedzisira mukadzi akazofawo. Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”

Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari. Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga. Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”

Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.

Murayiro Mukuru

Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete. Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti, “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”

Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”

Ko, Kristu Mwanakomana waani?

VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati, “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?”

Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”

Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti,

“ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu:

Gara kuruoko rwangu rworudyi,

kusvikira ndaisa vavengi vako

pasi petsoka dzako.’

Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?” Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.