Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Maraki 4
Zuva raJehovha
“Zvirokwazvo zuva rinouya; richapisa sechoto. Vose vanozvikudza navaiti vezvakaipa vachava mashanga, uye zuva iro rinouya richavapisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Hapana mudzi kana davi zvichasara. Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu. Ipapo muchatsikira pasi vakaipa; vachava madota pasi petsoka dzenyu pazuva iro pandichaita zvinhu izvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
“Rangarirai murayiro womuranda wangu Mozisi, mitemo nemirayiro yandakamupa paHorebhi kuti ipiwe vaIsraeri vose.
“Tarirai, ndichakutumirai muprofita Eria, zuva iro guru raJehovha, uye rinotyisa risati rasvika. Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, nemwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.”
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.