Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Revhitiko 24
Mafuta nechingwa zvinoiswa pamberi paJehovha
Jehovha akati kuna Mozisi, “Rayira vaIsraeri kuti vauye kwauri namafuta akaisvonaka amaorivhi akasvinwa, omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichibvira nguva dzose. Kunze kwechidzitiro cheChipupuriro muTende Rokusangana, Aroni anofanira kuchengetedza mwenje iyi pamberi paJehovha kubva manheru kusvikira kwaedza, nguva dzose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kuzvizvarwa zvichauya. Mwenje iri pachigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka chiri pamberi paJehovha inofanira kuchengetedzwa nguva dzose.
“Torai upfu hwakatsetseka mugobika zvingwa gumi nezviviri muchishandisa zvikamu zviviri kubva mugumi zveefa1 pachingwa chimwe nechimwe. Zviisei mumitsara miviri, zvitanhatu mumutsara mumwe nomumwe, patafura yegoridhe rakaisvonaka pamberi paJehovha. Pamutsetse mumwe nomumwe isai zvinonhuhwira zvive chirangaridzo chinomirira chingwa uye zvive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Chingwa ichi chinofanira kuiswa pamberi paJehovha nguva nenguva, Sabata neSabata zvakamirira vaIsraeri sesungano inogara nokusingaperi. NdechaAroni navanakomana vake, vanofanira kuchidyira munzvimbo tsvene, nokuti ichi chikamu chitsvene-tsvene chezvipiriso zvavo zvenguva nenguva zvinoitirwa Jehovha nomoto.”
Akatuka Jehovha akatakwa namabwe
Zvino mwanakomana wavamwe mai vechiIsraeri uye baba vake vari vechiIjipita, akafamba pakati pavana vaIsraeri, uye mwanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri mumusasa. Mwanakomana womukadzi muIsraeri akatuka Zita raJehovha nechituko; naizvozvo vakauya naye kuna Mozisi. (Zita ramai vake rainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri worudzi rwaDhani.) Vakamuisa mutorongo kusvikira kuda kwaJehovha kwaiswa pachena kwavari.
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora mutuki uende naye kunze kwomusasa. Vose vakamunzwa vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake uye ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu upi zvake akatuka Mwari wake achava nemhosva; ani naani anotuka zita raJehovha anofanira kuurayiwa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Kunyange ari mutorwa kana chizvarwa chenyu, akatuka Zita raJehovha anofanira kuurayiwa.
“ ‘Ani naani anouraya munhu, anofanira kuurayiwa. Munhu wose anouraya chipfuwo chomumwe munhu anofanira kuripa, upenyu hunotsiviwa noupenyu. Kana munhu akakuvadza muvakidzani wake, zvose zvaaita zvinofanira kuitwa kwaari. Kutyora kunotsiviwa nokutyora, ziso rinotsiviwa neziso, zino rinotsiviwa nezino. Sezvaakuvadza mumwe saka naiye anofanira kukuvadzwa. Ani naani anouraya mhuka anofanira kuripa asi ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete pamutorwa napachizvarwa chemo. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”
Ipapo Mozisi akataura navaIsraeri, vakatora mutuki vakaenda naye kunze kwomusasa, vakamutaka namabwe akafa. VaIsraeri vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
Source notes (1)
- Footnote marita angaita 4.5
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.