Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Kuungudza kwaJeremia 5
Rangarirai Jehovha, zvakatiwira;
tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu.
Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa,
misha yedu kumabvakure.
Tava nherera, hatina vabereki,
vanamai vedu sechirikadzi.
Tinofanira kutenga mvura yatinonwa;
huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo.
Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo;
taneta uye hatina zororo.
Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria,
kuti tiwane chingwa chakakwana.
Madzibaba edu akatadza uye vakafa,
uye tava kurangwa nokuda kwavo.
Varanda vanotitonga,
uye hapana angatisunungura kubva pamaoko avo.
Tinowana chingwa chedu nokuisa upenyu hwedu munjodzi,
nokuda kwomunondo murenje.
Ganda redu rava kupisa sechoto,
nokuda kwokupisa kwenzara.
Vakachinya vakadzi muZioni,
mhandara, mumaguta eJudha.
Machinda akasungirirwa namaoko avo;
vakuru havakudzwi.
Majaya anoshanda paguyo;
vakomana vanotatarika vakatakura mitoro yehuni.
Vakuru vakabva pasuo reguta;
majaya akarega kuimba kwavo.
Mufaro mumwoyo medu waguma;
kutamba kwedu kwapinduka kukava kuchema.
Korona yawa kubva pamusoro wedu.
Tine nhamo isu, nokuti takatadza!
Nokuda kwaizvozvi mwoyo yedu yapera simba,
nokuda kwezvinhu izvi meso edu otadza kuona,
nokuti Gomo reZioni rava dongo,
makava ofambamo.
Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi;
chigaro chenyu choushe chiripo kuzvizvarwa zvose.
Sei muchigara muchitikanganwa?
Sei muchitikanganwa kwenguva yakareba kudai?
Tidzoserei kwamuri, Jehovha, kuti tigodzoka;
vandudzai mazuva edu senguva yekare,
kana musina kutiramba zvachose
kana kutitsamwira zvikuru kwazvo.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.