Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Vatongi 12
Jefuta neEfuremu
Varume veEfuremu vakadana varwi vavo, vakayambuka mhiri vakaenda kuZafani vakandoti kuna Jefuta, “Wakaendereiko kundorwa navaAmoni ukasatidana kuti tiende newe? Tichapisa imba yako iwe uri mukati.”
Jefuta akapindura akati, “Ini navanhu vangu takanga tiri pakurwisana kukuru navaAmoni, uye kunyange ndakadana, imi hamuna kundiponesa kubva mumaoko avo. Pandakaona kuti hamusi kuda kubatsira, ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikayambuka kundorwa navaAmoni, uye Jehovha akandipa kukunda pamusoro pavo. Zvino mauyireiko nhasi kuzorwa neni?”
Ipapo Jefuta akaunganidza varume veGireadhi akarwa neEfuremu. VaGireadhi vakavauraya nokuti vaEfuremu vakanga vati, “Imi vaGireadhi muri vanhu vakatiza kubva kuna Efuremu naManase.” VaGireadhi vakatora mazambuko eJorodhani aienda kuEfuremu, uye upi noupi wavakasara veEfuremu aiti akati, “Regai hangu ndiyambukire mhiri,” varume veGireadhi vaimubvunza vachiti, “Uri muEfuremu here?” Kana akapindura achiti, “Kwete,” vaiti, “Zvakanaka, iti, ‘Shibhoreti.’ ” Kana akati, “Sibhoreti” nokuda kwokuti akanga asingagoni kureva shoko iro zvakanaka, vaimubata vomuuraya pamazambuko eJorodhani. Zviuru makumi mana nezviviri zvavaEfuremu zvakaurayiwa panguva iyoyo.
Jefuta akatungamirira vaIsraeri kwamakore matanhatu. Ipapo Jefuta muGireadhi akafa, uye akavigwa muguta riri muGireadhi.
Ibhizani, Eroni naAbhudhoni
Shure kwake, Ibhizani weBheterehema akatungamirira Israeri. Akanga ana vanakomana makumi matatu uye vanasikana makumi matatu. Akawanisa vanasikana vake kuvanhu vakanga vasiri vorudzi rwake, uye akavigira vanakomana vake vanasikana vakanga vasiri vorudzi rwake makumi matatu kuti vave vakadzi vavo. Ibhizani akatungamirira Israeri kwamakore manomwe. Ipapo Ibhizani akafa, uye akavigwa muBheterehema.
Shure kwake, Eroni muZebhuruni akatungamirira vaIsraeri kwamakore gumi. Ipapo Eroni akafa, uye akavigwa muAijaroni munyika yaZebhuruni.
Shure kwake, Abhudhoni mwanakomana waHireri aibva kuPiratoni, akatungamirira Israeri. Akanga ana vanakomana makumi mana uye vazukuru makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi manomwe. Akatungamirira vaIsraeri kwamakore masere. Ipapo Abhudhoni mwanakomana waHireri akafa, uye akavigwa paPiratoni muEfuremu, munyika yezvikomo yavaAmareki.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.