Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Joshua 12

Madzimambo akakundwa

Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa navaIsraeri uye nenyika yavo yavakatora kumabvazuva eJorodhani, kubva kuMupata weAnoni kusvikira kuGomo reHemoni, zvichisanganisira divi rose rokumabvazuva eArabha:

Sihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni.

Aitonga kubva kuAroeri kumucheto woMupata weAnoni, kubva pakati pomupata, kusvikira kuRwizi rweJabhoki, unova muganhu wavaAmori. Izvi zvaisanganisira hafu yeGireadhi.

Akatongawo kumabvazuva eArabha kubva kuGungwa reKinereti kusvikira kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), kusvikira kuBheti Jeshimoti, nokurutivi rwezasi nyasi kwemawere ePisiga.

Uyewo nenyika yaOgi mambo weBhashani, mumwe wevokupedzisira wavaRefi, akatonga muAshitaroti nomuEdhirei.

Akatonga Gomo reHemoni, neSareka, neBhashani yose kusvikira kumuganhu wavanhu veGesheri neMaaka, nehafu yeGireadhi kusvikira kumuganhu waSihoni mambo weHeshibhoni.

Mozisi, muranda waJehovha, navaIsraeri vakavakunda. Uye Mozisi muranda waJehovha akapa nyika yavo kurudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi nehafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.

Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akakundwa naJoshua navaIsraeri kurutivi rwokumavirazuva eJorodhani, kubva paBhaari Gadhi muMupata weRebhanoni kusvikira kuGomo reHaraki, rinokwidza richienda kuSeiri (nyika dzavo Joshua akadzipa kumarudzi avaIsraeri kuti ive nhaka yavo zvichienderana namarudzi avo, nyika yamakomo, mujinga mamakomo kwakadziva kumavirazuva, Arabha, mawere amakomo, gwenga neNegevhi, inova nyika yavaHiti, vaAmori, vaKenani, vaPerizi, vaHivhi navaJebhusi):

mambo weJeriko mumwe chete namambo weAi (pedyo neBheteri) mumwe chete

mambo weJerusarema mumwe chete mambo weHebhuroni mumwe chete

mambo weJarumuti mumwe chete mambo weRakishi mumwe chete

mambo weEgironi mumwe chete mambo weGezeri mumwe chete

mambo weDhebhiri mumwe chete mambo weGedheri mumwe chete

mambo weHoma mumwe chete mambo weAradhi mumwe chete

mambo weRibhina mumwe chete mambo weAdhuramu mumwe chete

mambo weMakedha mumwe chete mambo weBheteri mumwe chete

mambo weTapua mumwe chete mambo weHeferi mumwe chete

mambo weAfeki mumwe chete mambo weRasharoni mumwe chete

mambo weMadhoni mumwe chete mambo weHazori mumwe chete

mambo weShimuroni Meroni mumwe chete mambo weAkishafi mumwe chete

mambo weTaanaki mumwe chete mambo weMegidho mumwe chete

mambo weKadheshi mumwe chete mambo weJokineamu muKarimeri mumwe chete

mambo weDhori (muNafoti Dhori) mumwe chete mambo weGoyimi muGirigari mumwe chete

mambo weTiriza mumwe chete,

madzimambo makumi matatu nomumwe pamwe chete.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.