Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Jona 2
Munyengetero waJona
Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake. Akati:
“Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha,
iye akandipindura.
Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe,
uye imi makanzwa kuchema kwangu.
Makandikandira makadzika,
mumwoyo chaimo megungwa,
uye mvura zhinji ikandikomberedza;
mafungu enyu ose namapopoma enyu ose
zvakapfuura napamusoro pangu.
Ndakati, ‘Ndaraswa kubva
pamberi penyu,
asi ndichatarirazve ndakaringa
kutemberi yenyu tsvene.’
Mvura zhinji dzandikomberedza dzikandityisa;
pakadzikadzika pakandikomberedza;
sora regungwa rakamonera musoro wangu.
Kumidzi yamakomo ndakanyura;
nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi.
Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba,
imi Jehovha Mwari wangu.
“Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza,
ndakakurangarirai, imi Jehovha,
uye munyengetero wangu wakauya kwamuri,
kutemberi yenyu tsvene.
“Vaya vanobatirira kuzvifananidzo zvisina maturo,
vanorasa nyasha dzingadai dziri dzavo.
Asi ini, norwiyo rwokuvonga,
ndichabayira kwamuri.
Zvandakapika ndichazvizadzisa.
Ruponeso runobva kuna Jehovha.”
Uye Jehovha akarayira hove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.