Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Joere 3

Kutongwa kweNdudzi

“Mumazuva iwayo, napanguva iyoyo,

kana ndichinge ndadzosa pfuma yeJudha neyeJerusarema,

ndichaunganidza ndudzi dzose

ndigoenda nadzo kuMupata waJehoshafati.

Ipapo ndichavatonga

nokuda kwenhaka yangu, vanhu vangu vaIsraeri,

nokuti vakaparadzira vanhu vangu pakati pendudzi,

uye vakagovana nyika yangu.

Vakakanda mijenya pamusoro pavanhu vangu,

vakatsinhanisa vakomana nezvifeve;

vakatengesa vanasikana kuti vagotenga waini

yokuti vanwe.

“Zvino ndakakutadzirai chiiko, imi Tire neSidhoni, nemi matunhu ose eFiristia? Muri kundiripira chimwe chinhu chandakaita here? Zvino kana muchindiripira, ini ndichadzosera zvamakaita pamisoro yenyu chaiyo nokukurumidza chaizvo. Nokuti makatora sirivha negoridhe rangu, mukatakurawo midziyo yangu yakanakisisa mukandoiisa kutemberi dzenyu. Makatengesa vanhu veJudha neveJerusarema kuvaGiriki kuti muvaendese kure.

“Tarirai, ini ndichavamutsa kubva kunzvimbo dzamakavatengesera, uye ndichadzosera pamisoro yenyu chaiyo zvamakaita. Ndichatengesa vanakomana navanasikana venyu kuvanhu veJudha, uye vachavatengesa kuvaShebha, rudzi rwuri kure.” Jehovha ataura.

Paridzirai izvi kundudzi dzose:

Gadzirirai hondo!

Mutsai varwi!

Varwi vose ngavaswedere pedyo varwise.

Pfurai mapadza enyu muaite minondo,

uye mapanga okuchekerera miti muaite mapfumo.

Asina simba ngaati, “Ndine simba!”

Uyai nokukurumidza, imi ndudzi dzose, kubva kumativi ose

mugoungana ipapo.

Haiwa Jehovha, burutsai varwi venyu.

“Ndudzi dzose ngadzimutswe;

ngadziende kuMupata waJehoshafati,

nokuti ipapo ndipo pandichagara pasi

kuti nditonge ndudzi dzose kumativi ose enyika.

Shandisai jeko,

nokuti gohwo raibva.

Uyai musvine mazambiringa netsoka dzenyu,

nokuti chisviniro chazara,

uye zvirongo zvopfachukira,

uku ndiko kukura kwakaita kuipa kwavo.”

Vazhinji zhinji, vazhinji zhinji,

vari mumupata wokutonga.

Nokuti zuva raJehovha rava pedyo

mumupata wokutonga.

Zuva nomwedzi zvichasviba

uye nyeredzi dzichadzima.

Jehovha achaomba paZioni,

uye achatinhira ari muJerusarema;

denga nenyika zvichadedera.

Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake,

nhare yavanhu veIsraeri.

Maropafadzo aVanhu vaMwari

“Ipapo muchaziva kuti ini Jehovha Mwari wenyu,

ndinogara muZioni, gomo rangu dzvene.

Jerusarema richava dzvene;

vatorwa havachazorirwisazve.

“Pazuva iroro makomo achachururuka waini itsva,

uye zvikomo zvichaerera mukaka;

hova dzose dzomuJudha dzichaerera mvura.

Chitubu chichaerera chichibva muimba yaJehovha,

uye chichadiridzira mupata wemiti yemiunga.

Asi Ijipiti ichava dongo,

Edhomu ichava gwenga risina basa,

nokuda kwokurwiswa kwakaitwa vanhu veJudha,

vakateura ropa risina mhosva munyika yavo.

MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi,

uye nomuJerusarema kusvikira kuzvizvarwa zvose.

Mhosva yavo yeropa yandisina kuregerera,

ndichairegerera,

nokuti Jehovha anogara muZioni.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.