Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 8

Bhiridhadhi

Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

“Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai?

Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.

Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here?

Ko, iye Wamasimba Ose angaminamisa kururama here?

Vana vako pavakamutadzira,

akaita kuti varangirwe chivi chavo.

Asi kana ukatarisa kuna Mwari

uye ukademba kuna Wamasimba Ose,

kana uri wakachena uye wakarurama,

kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire,

agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.

Kunyange mavambo ako akanga ari epasi pasi,

ramangwana rako richava rokubudirira.

“Bvunza marudzi akare

ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,

nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva,

uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.

Ko, havangakudzidzisi uye vagokuudza here?

Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?

Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here?

Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?

Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa,

dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.

Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari;

saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.

Zvaanovimba nazvo hazvina kusimba,

zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.

Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka;

anobatirira pariri, asi harimiri.

Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana,

unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;

unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo,

uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.

Asi kana ukatsemuka ukadzurwa kubva panzvimbo yawo,

nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’

Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma,

uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.

“Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka

uye haasimbisi maoko avaiti vezvakaipa.

Achazadza muromo wako nokuseka

uye miromo yako nokupururudza.

Vavengi vako vachashongedzwa kunyadziswa,

uye matende avakaipa haachazovapozve.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.