Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 5

“Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira?

Uchadzokera kuno upiko wavatsvene?

Kutsamwa kunouraya benzi,

uye godo rinouraya asina mano.

Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi,

asi pakarepo imba yake yakatukwa.

Vana vake havana kuchengetedzeka,

vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.

Vane nzara vanodya zvaakacheka,

vachizvitora kunyange pakati peminzwa,

uye vane nyota vanodokwairira pfuma yake.

Nokuti kutambudzika hakubudi muvhu,

uye nhamo haimeri muvhu.

Asi munhu anoberekerwa nhamo,

zvirokwazvo sokubarika kwomoto kunokwira kumusoro.

“Asi dai ndakanga ndirini, ndaiturira mhosva yangu kuna Mwari;

ndaiisa mhaka yangu pamberi pake.

Anoita minana isingagoni kuyerwa,

zvishamiso zvisingagoni kuverengwa.

Anopa mvura panyika;

anotuma mvura pamusoro penyika.

Vanozvininipisa anovaisa pakakwirira,

uye vaya vanochema vanosimudzirwa kuchinzvimbo chokuchengetedzwa.

Anokonesa zvirongwa zvavanyengeri,

kuitira kuti maoko avo abate pasina.

Anobata vakachenjera muunyengeri hwavo,

uye zvirongwa zvenhubu zvinokukurwa.

Rima rinosvika pamusoro pavo masikati;

vanotsvanzvadzira masikati makuru sapausiku.

Anoponesa vanoshayiwa kubva pamunondo uri pamiromo yavo;

anovaponesa pakudzvinya kwavane simba.

Saka varombo vane tariro,

uye kusaruramisira kunopfumbira muromo wako.

“Akaropafadzwa munhu anogadziridzwa zvaari naMwari;

saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.

Nokuti anopa vanga, asi achisungazve;

anokuvadza, asi maoko ake anorapazve.

Achakurwira kubva panjodzi nhanhatu;

kunyange panomwe hakuna kukuvadzwa kuchakuwira.

Munzara achakudzikinura kubva parufu,

uye muhondo kubva pakubaya kwomunondo.

Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi,

uye haungatyi panosvika kuparadza.

Uchaseka kuparadza nenzara,

uye haufaniri kutya zvikara zvenyika.

Nokuti uchaita sungano namabwe esango,

uye zvikara zvesango zvichava norugare newe.

Uchaziva kuti tende rako rakasimba,

uchaverenga zvinhu zvako ugowana zvakakwana.

Uchaziva kuti vana vako vachava vazhinji,

uye zvizvarwa zvako zvichaita souswa hwenyika.

Uchasvika paguva une simba guru,

sezvisote zvakaunganidzwa panguva yazvo.

“Takazviedza izvi, uye ndezvechokwadi.

Saka chizvinzwa ugozviita iwe pachako.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.