Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 35

Ipapo Erihu akati:

“Unofunga kuti izvi zvakarurama here? Iwe zvaunoti, ‘Ndichanzi ndakarurama naMwari.’

Kunyange zvakadaro unomubvunza uchiti, ‘Zvinondibatsirei, uye ndinowaneiko nokusatadza.’

“Ndinoda kupindura iwe

neshamwari dzako dzaunadzo.

Tarira kumatenga uone;

nanʼanidza makore ari pamusoro pako.

Kana ukatadza, zvinomurwadza zvakadiniko?

Kana zvivi zvako zvikawanda, zvinoita sei kwaari?

Kana wakarurama, unomupeiko iye,

kana kuti anogamuchireiko kubva muruoko rwako?

Kuipa kwako kunongobata munhu akaita sewe,

uye kururama kwako ndekwomwanakomana wavanhu chete.

“Vanhu vanoridza mhere vari pasi pomutoro wokumanikidzwa;

vanokumbira kusunungurwa kubva muruoko rwoune simba.

Asi hakuna munhu anoti, ‘Aripiko Mwari Muiti wangu,

anopa nziyo panguva yousiku,

anodzidzisa zvakawanda kwatiri kupfuura mhuka dzenyika

uye anotiita vakachenjera kupfuura shiri dzedenga.’

Haapinduri kana vanhu vachiridza mhere,

nokuda kwokuzvikudza kwavakaipa.

Zvirokwazvo, Mwari haateereri chikumbiro chavo chisina maturo;

Wamasimba Ose haazviteereri izvozvo.

Ndoda, zvino, haangateereri

kana uchiti hausi kumuona,

mhaka yako iri pamberi pake

zvokuti unofanira kumumirira,

uyezve, kuti kutsamwa kwake hakumborangi,

uye haana hanya zvake nezvakaipa.

Saka Jobho anoshamisa muromo wake achitaura zvisina maturo;

anowanza mashoko ake asina zivo.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.