Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 32

Erihu

Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.

Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati:

“Ndiri muduku pamakore,

uye imi muri vakuru;

ndokusaka ndanga ndichitya,

ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.

Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura;

makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’

Asi ndiwo mweya uri mumunhu,

kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.

Havazi vakuru bedzi vakachenjera,

kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.

“Naizvozvo ndinoti: Nditeererei;

neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.

Ndakambomirira pamaitaura,

ndakateerera pfungwa dzenyu;

pamakanga muchitsvaka mashoko,

ndakanyatsokuteererai.

Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho;

hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.

Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri;

regai Mwari amukonese, kwete munhu.’

Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri,

uye handingamupinduri namashoko enyu.

“Vashamiswa uye havachina chokureva;

vapererwa namashoko.

Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara,

zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?

Neniwo ndichava nechokutaura;

neniwo ndichareva zvandinoziva.

Nokuti ndizere namashoko,

uye mweya uri mandiri unondimanikidza;

mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa,

sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.

Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe;

ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.

Handina munhu wandichatsaura,

uye handingabati kumeso munhu upi zvake;

nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso,

Muiti wangu aizokurumidza kunditora.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.