Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 30

“Asi zvino vanondiseka,

varume vaduku kwandiri,

vane madzibaba andaishora

zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu.

Ko, simba ramaoko avo raizondibatsirei,

sezvo simba ravo rakanga rapera?

Vapererwa nokuda kwokushayiwa uye nenzara,

vakadzivaira usiku munyika yakaoma,

mumatongo nomunyika yakaparara.

Vakaunganidza miriwo inovavira kubva mumakwenzi,

uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara.

Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo,

vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.

Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma,

pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.

Vakarira samakwai pakati pamakwenzi,

uye vakamanikidzana pasi porukato.

Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita,

vakadzingwa kubva munyika.

“Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo;

ndava shumo pakati pavo.

Vanondisema uye vanomira kure neni;

havazezi kundipfira mate kumeso.

Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza,

havazvidzori pamberi pangu.

Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.

Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.

Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.

Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.

“Uye zvino upenyu hwangu hwava kuguma; mazuva okutambudzika anondibata.

Usiku hunobaya mapfupa angu;

zvinondiruma-ruma zvinorwadza hazvizorori.

Nesimba rake guru Mwari anova chipfeko kwandiri;

anondisunga somutsipa wenguo yangu.

Anondikanda mumatope,

uye ndava seguruva namadota.

“Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri;

ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.

Munondishandukira noutsinye;

munondirova nesimba roruoko rwenyu.

Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo;

munonditenderedza mudutu.

Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.

“Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana

paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.

Ko, handina kuchema nokuda kwevaitambura here?

Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?

Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika;

pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.

Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri;

mazuva okutambudzika anondivinga.

Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva;

ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.

Ndava hama yamakava,

neshamwari yamazizi.

Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka;

muviri wangu unopisa nefivha.

Mbira dzangu dzava kungoridza nziyo dzokuchema,

uye nyere yangu nziyo dzokuungudza.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.