Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 23

Jobho

Ipapo Jobho akapindura akati:

“Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu;

ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu.

Dai chete ndaiziva kwandingamuwana;

dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!

Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake,

uye ndaizadza muromo wangu nenharo.

Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura,

uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.

Kuti aizondidzivisa nesimba guru here?

Kwete, haaizondipomera mhaka.

Ipapo munhu akarurama aigona kuzotaura mhaka yake pamberi pake,

uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.

“Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako;

kana ndikaenda kumavirira, handimuwani.

Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni;

paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.

Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo;

kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe.

Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika;

ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.

Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake;

ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.

“Asi iye anomira oga, uye ndiani angapikisana naye?

Anoita zvaanoda.

Anoita zvaakatema pamusoro pangu,

uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.

Ndokusaka ndichitya pamberi pake;

pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.

Mwari akaita kuti mwoyo wangu unete;

Wamasimba Ose akandivhundutsa.

Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare,

iro rima guru rinofukidza chiso changu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.