Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 11

Zofari

Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:

“Mashoko aya ose haangapindurwi here?

Ko, mutauri uyu anofanira kushayirwa mhosva here?

Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here?

Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchituka here?

Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama

uye ndakachena pamberi penyu.’

Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura,

kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,

uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri,

nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri.

Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.

“Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here?

Unganzwisisa panogumira Wamasimba Ose here?

Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko?

Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko?

Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika

uye zvakapamhama kupfuura gungwa.

“Kana iye akasvika akakupfigira mujeri

uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?

Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera;

uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?

Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara

sezvo zvisingagoneki kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.

“Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari,

uye ukatambanudzira maoko ako kwaari,

kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako,

uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako,

ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi,

uchamira wakasimba uye usingatyi.

Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako,

uchangoirangarira semvura yakaerera.

Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru,

uye rima richaita samangwanani.

Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko;

ucharinga-ringa ugozorora murugare.

Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa,

uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.

Asi meso avakaipa achaneta,

uye vachashayiwa kwokutizira;

tariro yavo ichava yokufa.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.