Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 9

Isu tazvarirwa Mwana

Kunyange zvakadaro, hakuchazovazve nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea reveDzimwe Ndudzi, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani.

Vanhu vaifamba murima

vakaona chiedza chikuru;

avo vaigara munyika yomumvuri worufu,

chiedza chakavavhenekera.

Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo;

vanofara pamberi penyu

savanhu vanofara

panguva yokukohwa,

sokufara kwavarume,

kana vachigoverana zvakapambwa.

Nokuti sapamazuva okukundwa kwavaMidhia,

vamakaparadzira

joko raivaremera,

nedanda raichinjika mafudzi avo,

iyo tsvimbo yavamanikidzi vavo.

Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo,

nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa,

zvichapiswa,

zvichava huni dzomoto.

Nokuti takazvarirwa mwana,

takapiwa mwanakomana,

uye umambo huchava pamapfudzi ake.

Uye achanzi Gota Rinoshamisa,

Mwari Ane Simba,

Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.

Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake

hazvizovi namagumo.

Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi

napamusoro poumambo hwake,

achihusimbisa nokuhutsigira,

nokururamisira uye nokururama,

kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi.

Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose

kuchazviita.

Kutsamwa kwaJehovha pamusoro peIsraeri

Jehovha akatuma shoko pamusoro paJakobho;

richawira pamusoro paIsraeri.

Vanhu vose vachariziva,

Efuremu navagari vomuSamaria,

ivo vanoti nokuzvikudza kwavo

uye namanyawi emwoyo,

“Zvidhinha zvakoromokera pasi,

asi tichavakazve namatombo;

mionde yatemerwa pasi,

asi tichaitsiva nemisidhari.”

Asi Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi

akakurudzira vavengi vavo.

VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva

nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama.

Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,

asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa.

Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova,

kana kutsvaka Jehovha Wamasimba Ose.

Naizvozvo Jehovha achadimura vaIsraeri vose musoro nomuswe,

zvose davi romuchindwe norutsanga pazuva rimwe;

vakuru navarume vanokudzwa ndivo musoro,

vaprofita vanodzidzisa nhema ndivo muswe.

Vanotungamirira vanhu ava vanovatsausa,

navose vanotungamirirwa vanotsauswa.

Naizvozvo Jehovha haachazofariri majaya,

kana kuva netsitsi nenherera nechirikadzi,

nokuti mumwe nomumwe wavo haana umwari uye akaipa,

muromo mumwe nomumwe unotaura zvoupenzi.

Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,

ruoko rwake ruchakangosimudzwa.

Zvirokwazvo zvakaipa zvinopfuta somoto;

unopisa rukato neminzwa,

unopisa matenhere edondo zvokuti unokwira

kudenga mushongwe youtsi.

Kubudikidza nokutsamwa kwaJehovha Wamasimba Ose

nyika ichapiswa kwazvo

uye vanhu vachava huni dzomoto;

hapana achaponesa hama yake.

Kurudyi vachadya

asi vacharamba vane nzara;

kuruboshwe,

vachadya asi havangaguti.

Mumwe nomumwe achadya nyama yomwana wake.

Manase achadya Efuremu uye Efuremu achadya Manase;

pamwe chete vachamukira Judha.

Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa,

ruoko rwake ruchakangosimudzwa.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.