Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Isaya 64
Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi,
kuti makomo adedere pamberi penyu!
Sezvinoita moto paunopisa tsotso
uchiita kuti mvura ivire,
burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu,
uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu!
Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira,
makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu.
Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa,
hakuna nzeve yakanzwisisa,
hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu,
anobatsira avo vanomumirira.
Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama,
vanorangarira nzira dzenyu.
Asi patakaramba tichivatadzira,
imi makatsamwa.
Zvino tingaponeswa seiko?
Isu tose tafanana nousina kuchena,
uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina;
isu tose tinooma seshizha,
semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.
Hakuna anodana kuzita renyu
kana anoshingairira kuti akubatei;
nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita
kuti tiperezeke nokuda kwezvivi zvedu.
Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu.
Isu tiri ivhu, imi muri muumbi;
isu tose tiri basa ramaoko enyu.
Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha;
regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi.
Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira,
nokuti tose tiri vanhu venyu.
Maguta enyu matsvene ava renje;
kunyange Zioni irenje, Jerusarema rava dongo.
Temberi yedu tsvene inobwinya, umo madzibaba edu akakurumbidzai,
yakapiswa nomoto,
uye nzvimbo dzose dzataikoshesa dzaparara.
Haiwa Jehovha, mushure maizvozvi mungazvidzorawo here?
Mucharamba munyerere, uye mugotiranga zvinopfuura mwero here?
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.