Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 56

Ruponeso rwaVamwe

Zvanzi naJehovha:

“Chengetedzai kururamisira

mugoita zvakanaka,

nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo,

uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa.

Akaropafadzwa munhu anoita izvi,

munhu anozvibatisisa,

anochengeta Sabata asingarisvibisi,

uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”

Mutorwa akanamatira kuna Jehovha ngaarege kuti,

“Zvirokwazvo Jehovha achandiparadzanisa navanhu vake.”

Uye nomuyunaki ngaarege kugununʼuna achiti,

“Ndinongova zvangu muti wakaoma.”

Nokuti zvanzi naJehovha:

“Kuvayunaki vanochengeta maSabata angu,

vanosarudza zvinondifadza,

uye vanobatirira pasungano yangu,

kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo,

chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana;

ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi.

Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha

kuti vamushumire,

kuti vade zita raJehovha,

uye vamunamate,

vose vanochengeta Sabata

vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu,

ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene

ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera.

Zvipiriso zvavo zvinopiswa

nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu;

nokuti imba yangu ichanzi

imba yokunyengetera yendudzi dzose.”

Ishe Jehovha anoti,

iye anounganidza vakatapwa vaIsraeri,

“Ndichaunganidzazve vamwe kwavari,

tisingaverengeri avo vakaunganidzwa kare.”

Mwari anopa mhosva kuna Vakaipa

Uyai, imi mose zvikara zvesango,

uyai mudye, imi mose zvikara zvesango!

Nharirire dzeIsraeri mapofu,

vose vanoshayiwa zivo;

vose imbwa dzisingahukuri,

hadzigoni kuhukura;

dzinovata pose pose dzichingorota,

dzinofarira kuvata.

Imbwa dzinokara zvikuru;

dzisingamboguti.

Vafudzi vanoshayiwa kunzwisisa:

vose vanotsaukira kunzira yavo pachavo,

mumwe nomumwe anotsvaka zvinomupfumisa.

Mumwe nomumwe anodanidzira achiti, “Uyai, regai nditore waini!

Regai tinwe tigute nedoro!

Uye mangwana achafanana nanhasi,

kana kutopfuura.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.