Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 50

Chivi chaIsraeri noKuteerera kwoMuranda

Zvanzi naJehovha:

“Ko, rugwaro rwokurambwa

kwamai venyu rwuripiko rwandakavadzinga narwo?

Uye ndevapiko vandakakwereta

ndikazokutengesai kwavari?

Makatengeswa nokuda kwezvivi zvenyu;

mai venyu vakadzingwa nokuda kwokudarika kwenyu.

Sei ndakashaya munhu, pandakauya?

Sei pasina akapindura pandakadana?

Ko, ruoko rwangu rwakanga rwakapfupika here kuti ndikudzikinurei?

Handina simba rokukununurai here?

Nokungorayira chete ndinopwisa gungwa;

ndinoshandura nzizi dzikava gwenga;

hove dzadzo dzinoora nokushayiwa mvura,

uye dzinofa nenyota.

Ndinoshongedza denga nerima

uye ndinoita masaga chifukidzo charo.”

Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa,

kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika.

Anondimutsa mangwanani namangwanani,

anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa.

Ishe Jehovha akazarura nzeve dzangu,

uye handina kumumukira;

handina kudzokera shure.

Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova,

namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu;

Handina kuvanza chiso changu

pakusekwa nokupfirwa mate.

Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira,

handizonyadziswi.

Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara,

uye ndinoziva kuti handizonyadziswi.

Iye anondiruramisira ari pedyo.

Ndianiko zvino achandipa mhosva?

Ngatitarisanei!

Ndianiko mupomeri wangu?

Ngaanangane neni!

Ndiye Ishe Jehovha anondibatsira.

Ndianiko achandipa mhosva?

Vose vachasakara senguo;

vachadyiwa nezvipfuno.

Ndiani pakati penyu anotya Jehovha,

uye anoteerera shoko romuranda wake?

Ngaafambe murima,

iye asina chiedza,

ngaavimbe nezita raJehovha

uye avimbe naMwari wake.

Asi zvino, imi mose munotungidza moto

muchava nemwenje inopfuta,

endai, mufambe muchiedza chomoto

wenyu nechemwenje yamakabatidza.

Izvi ndizvo zvamuchagamuchira kubva paruoko rwangu:

Muchavata pasi mukurwadziwa.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.