Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 47

Kuwa kweBhabhironi

“Buruka, ugare muguruva,

iwe Mhandara yeBhabhironi;

gara pasi usina chigaro choushe,

iwe Mhandara yavaBhabhironi.

Hauchazonzi uri munyoro

kana munhu akapfava.

Tora makuyo ukuye upfu;

bvisa vhoiri rako.

Fukura nguo dzako,

makumbo ako aonekwe, uyambuke hova.

Kushama kwako kuchava pachena,

uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa.

Ndichatsiva;

handizosiyi munhu.”

Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake;

ndiye Mutsvene waIsraeri.

Gara unyerere, enda murima,

Mhandara yavaBhabhironi;

hauchazonzi mambokadzi wenyika

dzakasiyana-siyana.

Ndakatsamwira vanhu vangu

ndikasvibisa nhaka yangu;

ndakavapa muruoko rwako,

iwe ukasavanzwira ngoni.

Kunyange vakakwegura

wakavatakudza joko rinorema kwazvo.

Wakati, “Ndicharamba

ndiri mambokadzi nokusingaperi!”

Asi hauna kufunga zvinhu izvi,

kana kucherechedza zvaizogona kuitika.

Naizvozvo zvino, chinzwa,

iwe chisikwa chisingagutsikani,

ugere zvakachengetedzeka, uchiti,

mumwoyo mako, “Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu.

Handizovi chirikadzi,

uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.”

Zviviri izvozvi zvichakuwira nechinguva chidiki diki,

pazuva rimwe chete zvinoti:

kufirwa navana nouchirikadzi.

Zvichauya pamusoro pako nechiyero chizere,

kunyange uine unʼanga hwako huzhinji,

nouroyi hwako hwakawanda.

Wakavimba nezvakaipa zvako uye wakati,

“Hapana anondiona.”

Uchenjeri hwako nezivo yako

zvinokutsausa paunoti, mumwoyo mako,

“Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.”

Dambudziko richakuwira,

uye haugoni kuzoziva kuti ungaritanda sei.

Njodzi ichakuwira yausingagoni

kubvisa nomuripo;

pakarepo kuparadza kwausingagoni kuziva,

kuchawira pamusoro pako.

“Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako,

uye nounʼanga hwako huzhinji,

hwawakashandira kubva paudiki hwako.

Zvichida uchabudirira,

zvichida uchavhundutsira vamwe.

Mazano ose awakagamuchira, akakunetesa chete!

Vanhu vako vanocherechedza nyeredzi ngavauye mberi,

avo vanotarira nyeredzi vachifembera mwedzi nomwedzi,

ngavakuponese pane zviri kuuya pamusoro pako.

Zvirokwazvo vakafanana namashanga;

moto uchaapisa akapera.

Havangatongogoni kuzvirwira,

pasimba romurazvo womoto.

Asi hapana mazimbe okuti munhu adziyirwe;

hapana moto wokudziya ipapo.

Izvozvi ndizvo chete zvavangakuitira,

ava vawakashanda navo,

uye ukafamba navo kubva paudiki hwako.

Mumwe nomumwe wavo anoenderera mberi nokukanganisa kwake;

hapana kana mumwe angakuponesa.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.