Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 32

Umambo hwoKururama

Tarirai mambo achatonga nokururama,

uye vatongi vachatonga nokururamisira.

Munhu mumwe nomumwe achafanana nenzvimbo yokuvanda kubva kumhepo,

noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji,

sehova dzemvura mugwenga nomumvuri

webwe guru munyika yafa nenyota.

Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini,

uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.

Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva uye dzichanzwisisa,

uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.

Benzi harichazonzi munhu anokudzwa,

munhu asina maturo haazoremekedzwi.

Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi,

ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa:

Zvaanoita hazvina umwari

uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha;

anosiya vane nzara vasina chinhu

uye anonyima mvura vane nyota.

Nzira dzousina maturo dzakaipa,

anoita rangano dzakaipa

kuti aparadze varombo nenhema,

kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.

Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka,

uye namabasa anokudzwa.

Vakadzi veJerusarema

Imi vakadzi musina hanya,

simukai muteerere kwandiri;

imi vanasikana munoti makachengetedzeka,

inzwai zvandinoreva!

Gore risati rapera

muchabvunda iyemi munoti makachengetedzeka;

nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana,

uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.

Dederai, imi vakadzi musina hanya;

dederai imi vanasikana munoti makachengetedzeka!

Bvisai nguo dzenyu,

monerai masaga muzviuno zvenyu.

Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka,

nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,

uye nokuda kwenyika yavanhu vangu,

nyika yamera minzwa norukato,

hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro,

uye nokuda kweguta rinopururudza iri.

Nhare dzichasiyiwa,

guta roruzha richasara risina munhu;

nhare neshongwe zvichava dongo nokusingaperi,

mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,

kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro,

uye gwenga rava nyika yakaorera,

nemunda wakaorera wava sesango.

Kururamisira kuchagara kugwenga

uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.

Chibereko chokururama chichava rugare;

uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.

Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare,

mumisha yakachengetedzeka,

munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.

Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango,

neguta rikaparadzwa zvachose,

ucharopafadzwa zvakadiniko,

uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose,

uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.