Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 3

Kutongwa kweJerusarema neJudha

Tarirai zvino, Ishe Jehovha

Wamasimba Ose

ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo,

kubva kuJerusarema neJudha;

rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,

mhare nomurwi,

mutongi nomuprofita,

muvuki nomukuru,

mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa,

gurukota nomurume weumhizha, nomuvuki anoziva.

Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo;

vana vadiki ndivo vachavatonga.

Vanhu vachadzvinyirirana,

munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani.

Vadiki vachamukira vakuru,

nounozvidza achamukira anokudzwa.

Murume achabata mumwe wavanunʼuna vake

paimba yababa vake achiti,

“Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu;

iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”

Asi pazuva iro achadanidzira achiti,

“Handigoni kugadzirisa zvinhu.

Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu;

musandiita mutungamiri wavanhu.”

Jerusarema rozungunuka,

Judha riri kuwa;

mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha,

vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.

Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira;

vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu;

havambochivanzi.

Vane nhamo!

Vanouyisa njodzi pamusoro pavo.

Udzai vakarurama kuti zvichavanakira,

nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.

Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira!

Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo.

Vadiki vanomanikidza vanhu vangu,

vakadzi vanovatonga.

Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai;

vanokubvisai munzira.

Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga;

anosimuka kuti atonge vanhu.

Jehovha anopinda mukutonga vakuru

navatungamiri vavanhu vake achiti,

“Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa;

zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.

Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu,

uye muchikuya zviso zvavarombo?”

ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.

Jehovha anoti,

“Vakadzi veZioni vanozvikudza,

vanofamba vakamisa mitsipa yavo.

Vachichonya nameso avo,

uye vanofamba vachinzenzeta,

vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.

Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni;

Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”

Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, neungetani hwomutsipa hunonʼaima, nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuhwira, namazango, nemhete, noukomba hwemhino, nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama, nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.

Pachinzvimbo chezvinonhuhwira, pachava nokunhuhwa;

pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo;

pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka,

pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga;

pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.

Varume venyu vachafa nomunondo,

varwi venyu vachafa muhondo.

Masuo eZioni achachema uye achaungudza;

nokutambura kwaro, richagara pasi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.