Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Hosea 6

Israeri inoramba kutendeuka

“Uyai tidzokere kuna Jehovha.

Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu,

asi achatiporesa;

akatikuvadza,

asi achasungazve mavanga edu.

Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza;

pazuva rechitatu achatidzorazve,

kuti tirarame pamberi pake.

Ngatimuzivei iye Jehovha;

ngatishingairirei kumuziva.

Zvirokwazvo sokubuda kwezuva,

achaonekwa;

achauya kwatiri semvura yomuchando,

semvura yebumharutsva inodiridza nyika.”

“Ndichaiteiko newe, Efuremu?

Ndichaiteiko newe, Judha?

Rudo rwenyu rwakafanana nemhute yamangwanani,

sedova ramangwanani rinopera.

Naizvozvo ndinokugurai ndichikuitai zvidimbu zvidimbu navaprofita vangu,

ndakakuurayai namashoko omuromo wangu,

kutonga kwangu kwakapenya semheni kwamuri.

Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,

nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.

SaAdhamu, vakaputsa sungano,

vakanga vasina kutendeka kwandiri ipapo.

Gireadhi iguta ravarume vakaipa,

rakasvibiswa norunyoro rwetsoka dzeropa.

Samakororo anovandira munhu,

ndizvo zvinoita boka ravaprista.

Vanouraya vanhu panzira inoenda kuShekemu,

vachipara mhosva dzinonyadzisa.

Ndakaona chinhu chakaipa kwazvo

muimba yaIsraeri.

Imomo Efuremu anoita ufeve

uye Israeri anosvibiswa.

“Nokwauriwo iwe, Judha,

kukohwa kwatarwa.

“Pose pandichadzorera maropafadzo avanhu vangu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.