Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Hosea 14

Kutendeuka kunouyisa Maropafadzo

Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako.

Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako!

Endai namashoko

uye mudzokere kuna Jehovha.

Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose

mutigamuchire nenyasha,

kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu.

Asiria haingatiponesi;

hatingatasvi mabhiza ehondo.

Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’

kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo,

nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.”

“Ndichaporesa kusateerera kwavo

uye ndichangovada hangu,

nokuti hasha dzangu dzabva kwavari.

Ndichava sedova kuna Israeri;

achatunga seruva remahapa.

Somusidhari weRebhanoni

achadzikisa midzi yake;

mabukira ake achakura.

Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi,

kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni.

Vanhu vachagarazve mumumvuri wake.

Achabudirira sezviyo.

Achatunga maruva somuzambiringa,

uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni.

Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo?

Ndichamupindura uye ndichamuchengeta.

Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira;

kubereka kwako kunobva kwandiri.”

Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi.

Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa.

Nzira dzaJehovha dzakarurama;

vakarurama vanofamba madziri,

asi vatadzi vanogumburwa madziri.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.