Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Hosea 11
Rudo rwaMwari kuna Israeri
“Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda,
uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.
Asi pandakanyanya kuvadana,
vakatonyanya kunditiza.
Vakabayira kuna vanaBhaari
uye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo.
Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba,
ndichivasesedza namaoko avo;
asi havana kuzvicherechedza
kuti ndini ndakavarapa.
Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu,
nezvisungo zvorudo;
ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo
ndikakotama kuti ndivape zvokudya:
“Havangadzokerizve kuIjipiti
uye vaAsiria havangavatongi here
nokuti vakaramba kutendeuka?
Minondo ichapenya mumaguta avo,
ichaparadza mazariro pamasuo avo
uye ichagumisa zvirongwa zvavo.
Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri.
Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro,
haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo.
“Ndinokuregedza seiko, Efuremu?
Ndingakuendesa seiko, Israeri?
Ndingakuitireiko saAdhima?
Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi?
Mwoyo wangu washanduka mukati mangu;
tsitsi dzangu dzose dzamutswa.
Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru
kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu.
Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu,
Mutsvene pakati penyu.
Handingauyi ndakatsamwa.
Vachatevera Jehovha;
achaomba seshumba.
Paachaomba,
vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero.
Vachauya vachidedera
seshiri vachibva kuIjipiti,
senjiva vachibva kuAsiria.
Ndichavagarisa mudzimba dzavo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Chivi chaIsraeri
Efuremu andikomberedza nenhema,
imba yaIsraeri nounyengeri.
Uye Judha akasindimara pamberi paMwari,
kunyange pamberi paIye Mutsvene Akatendeka.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.