Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Ezekieri 31

Musidhari womuRebhanoni

Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wechitatu pazuva rokutanga, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, uti kuna Faro mambo weIjipiti navanhu vake vose:

“ ‘Ndianiko angaenzaniswa nemi paushe?

Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni,

wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo;

wakanga wakareba kwazvo,

manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira.

Mvura zhinji yakaupa zvokudya,

zvitubu zvakadzika zvakaita kuti urebe;

hova dzacho dzakayerera dzichipoteredza hunde,

uye dzakatumira mironga yadzo kumiti yose yesango.

Saka wakareba kwazvo

kupfuura miti yose yesango,

mativi awo akawanda

uye matavi awo akareba,

achitandavara nokuda kwemvura zhinji.

Shiri dzose dzedenga

dzakavakira matendere adzo pamatavi awo,

mhuka dzose dzesango

dzakaberekera pasi pamatavi awo;

ndudzi dzose huru

dzakagara pamumvuri wawo.

Wakanga uchiyevedza parunako,

namatavi awo akatandavara,

nokuti midzi yawo yaidzika pasi

kune mvura zhinji.

Misidhari yomubindu raMwari

yakanga isingagoni kuukunda,

uye miti yomupaini

yakanga isingaenzani namatavi awo,

uye miti yemipurani

hayaienzaniswa namatavi awo,

hakuna muti mubindu raMwari

waienzana nawo pakunaka.

Ndakauita muti unoyevedza

una matavi akawanda,

muti waiyemurwa nemiti yose yomuEdheni

mubindu raMwari.

“ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Nemhaka yokuti wakanga wakareba kwazvo, uchisimudzira manhengenya awo pamatavi akapfumvutira, uye nemhaka yokuti wakazvikudza nokuda kwokureba kwawo, ndakauisa kumutongi wendudzi, kuti vamuitire zvakafanira kuipa kwawo. Ndakaukanda padivi, uye rudzi rwakaipisisa kundudzi dzavatorwa rwakautemera pasi ndokuusiya. Matavi awo akawira pamakomo nomumipata yose; matavi awo ose akavhunikira muhova dzose dzenyika. Ndudzi dzose dzomunyika dzakabva pasi pomumvuri wawo dzikausiya. Shiri dzose dzedenga dzakamhara pamuti wakawa, uye mhuka dzose dzenyika dzakanga dziri pakati pamatavi awo. Naizvozvo hakuna mimwe miti iri pamvura zhinji ichareba kwazvo ichizvikudza, ichizvisimudzira manhengenya ayo pamusoro pamatavi akapfumvutira. Hakuna mimwe miti inowana mvura yakadai ichazombosvika paurefu hwakadai; yose ichafa, nokuti nyika iri pasi, pakati pavanhu vanofa, navaya vanoburukira kugomba.

“ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva rawakaburutsirwa muguva ndakafukidza matsime akadzika kuti aungudze nokuda kwawo ndikamisa hova dzawo, uye mvura yawo zhinji yakadziviswa. Nemhaka yawo ndakafukidza Rebhanoni nokusuwa, uye miti yose yesango yakasvava. Ndakaita kuti ndudzi dzidedere padzakanzwa kuwa kwako pandakuburusira muguva navaya vanoenda mugomba nawo. Ipapo miti yose yomuEdheni, yakasarudzika uye neyakanakisa muRebhanoni, miti yose yakanga ichiwana mvura yakakwana, yakanyaradzwa panyika pasi. Vaya vaigara mumumvuri wawo, navaya vavaibatana navo pakati pendudzi, vakanga vaburukirawo muguva nawo, vachiva pamwe navaya vakaurayiwa nomunondo.

“ ‘Ndeipiko miti yeEdheni ingaenzaniswa newe pakubwinya noushe? Kunyange zvakadaro, newewo, uchaburutswa pamwe chete nemiti yeEdheni panyika pasi; ucharara pakati pavasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.

“ ‘Ndiye Faro navanhu vake vazhinji, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.