Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Ezekieri 25
Chiprofita pamusoro peAmoni
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, ringira chiso chako pamusoro pavaAmoni uprofite pamusoro pavo. Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti imi makati, “Toko waro!” pamusoro penzvimbo yangu tsvene panguva yayakasvibiswa napamusoro penyika yeIsraeri payakaparadzwa, napamusoro pavanhu veJudha pavakaenda kuutapwa, naizvozvo ndichakuisai kuvanhu vokuMabvazuva kuti muve vavo. Vachadzika misasa yavo uye vachamisa matende avo pakati penyu; vachadya michero yenyu uye vachanwa mukaka wenyu. Ndichashandura Rabha rikava mafuro engamera uye Amoni kuti ive nzvimbo inozororera makwai. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha. Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti makauchira maoko enyu mukadzana-dzana netsoka dzenyu muchifara noruvengo rwose rwemwoyo yenyu rwamunovenga narwo nyika yeIsraeri, naizvozvo ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro penyu ndigokupai kuti mupambwe nendudzi. Ndichakubvisai chose kubva kundudzi uye ndigokupedzai munyika dzose. Ndichakuparadzai; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Chiprofita pamusoro peMoabhu
“Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Moabhu neSeiri vakati, “Tarirai, imba yaJudha yafanana nedzimwe ndudzi,” naizvozvo ndichaisa pachena rutivi rwaMoabhu, kutangira pamavambo maguta okumuganhu anoti Bheti Jeshimoti, Bhaari Meoni neKiriataimi iko kukudzwa kwenyika iyoyo. Ndichapa Moabhu pamwe chete navaAmoni kuvanhu vokuMabvazuva kuti vave vavo, kuti vaAmoni varege kuzorangarirwa pakati pendudzi; uye ndicharanga Moabhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”
Chiprofita pamusoro peEdhomu
“Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti Edhomu akatsiva pamusoro peimba yaJudha vakava nemhosva huru pakuita izvozvo, naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peEdhomu ndigouraya vanhu vose varo nezvipfuwo zvavo. Ndichariparadza uye kubva kuTemani kusvika kuDhedhani vachaurayiwa nomunondo. Ndichatsiva Edhomu noruoko rwavanhu vangu, uye vachaitira Edhomu zvakafanira kutsamwa kwangu nehasha dzangu; vachaziva kutsiva kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Chiprofita pamusoro peFiristia
“Zvanzi naIshe Jehovha: ‘Nokuda kwokuti vaFiristia vakazvitsivira vakatsiva noruvengo mumwoyo yavo, uye noruvengo rwamakore namakore vakatsvaka kuparadza Judha, naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokutambanudza ruoko rwangu pamusoro pavaFiristia, uye ndichauraya vaKereti ndigoparadza vaya vakasara pamhenderekedzo. Ndichatsiva nokutsiva kukuru pamusoro pavo uye ndichavaranga muhasha dzangu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatsiva pamusoro pavo.’ ”
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.