Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Ezekieri 15

Jerusarema, muzambiringa usina maturo

Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, “Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa uri nani kupfuura davi romuti zvawo musango neiko? Ko, pane danda rakambotorwa pauri here kuti rigadziriswe chimwe chinhu chine basa? Ko, vanhu vangaita hoko nawo kuti vanhu vaturike zvinhu ipapo here? Uye shure kwokunge wakandwa mumoto sehuni uye moto ndokuupisa mativi ose ari maviri uye ndokusviba pakati, zvino uchabatsira chinhu here? Kana wanga usingabatsiri chinhu uchiri wakakwana, uchagobatsireiko kana moto waupisa uye wasviba?

“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo ndakaisa miti yemizambiringa pakati pemiti yesango sehuni dzomoto, ndizvo zvandichaita kuvanhu vagere muJerusarema. Ndicharinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise. Kunyange zvavo vakabuda mumoto, moto uchavaparadza. Uye pandinorinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise muchaziva kuti ndini Jehovha. Ndichaparadza nyika nokuti vakanga vasina kutendeka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.