Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Muparidzi 1

Zvose hazvina maturo

Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema:

Zvanzi noMuparidzi,

“Hazvina maturo! Hazvina maturo!

Hazvina maturo chose!

Zvose hazvina maturo.”

Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose

kwaanoita nesimba pasi pezuva?

Zvizvarwa zvinouya uye zvizvarwa zvinoenda,

asi nyika inogara nokusingaperi.

Zuva rinobuda uye zuva rinovira,

uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira.

Mhepo inovhuvhuta ichienda zasi,

yozodzokera kumusoro;

inotenderera nokutenderera

ichingodzokerazve pagwara rayo.

Nzizi dzose dzinodira mugungwa,

kunyange zvakadaro gungwa harizari.

Kunzvimbo kwadzinobva nzizi,

ikoko ndiko kwadzinodzokerazve.

Zvinhu zvose zvinonetesa,

zvisina ani angazvitaura.

Ziso hariguti kuona,

uye nzeve haizari nokunzwa.

Chakanga chiripo, chichazovapozve,

chakamboitwa chichaitwazve;

hapana chitsva pasi pezuva.

Chiripo here chinhu chinganzi nomunhu,

“Tarira! Chinhu ichi chitsva?”

Chakanga chichingovapo, kare kare;

chakanga chiripo isu tisati tavapo.

Vanhu vakare havacharangarirwi;

uye kunyange vanovatevera,

havachazorangarirwi

nevanozotevera.

Uchenjeri hahuna maturo

Ini muparidzi ndakanga ndiri mambo weIsraeri muJerusarema. Ndakazvipira kunzvera nokutsvaka nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga. Ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu naMwari kuti vazvitambudze naro. Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.

Chakakombamiswa hachingatwasanudzwi;

chinoshayikwa hachingaverengwi.

Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Tarira, ndazviwanira uchenjeri hwakawanda kupfuura vose vakanditangira kutonga muJerusarema; ndava nouchenjeri uye noruzivo rwakawanda.” Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.

Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji;

kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.