Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Dhuteronomi 25

Kana vanhu vane gakava, vanofanira kuenda kudare uye vatongi vachatonga nyaya iyi, vachiruramisira asina mhosva nokupa mhosva uyo akatadza. Kana munhu ane mhosva achifanira kurohwa, mutongi anofanira kumuti arare pasi agoita kuti arohwe pamberi pake neshamhu dzakafanira mhosva yake. Asi haafaniri kupiwa shamhu dzinodarika makumi mana. Kana akarohwa zvakapfurikidza mwero, hama yako inenge yazvidzwa pamberi pako.

Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo.

Kana hama dzichigara pamwe chete mumwe wavo akafa asina mwanakomana, chirikadzi yake haifaniri kuwanikwa kunze kwemhuri. Hama yomurume wake inofanira kumutora nokumuwana uye agoita zvinofanira kuitwa nehama yomurume wake kwaari. Mwanakomana wokutanga waachabereka anofanira kutora zita rehama yake yakafa kuitira kuti zita rake rirege kudzimwa muIsraeri.

Asi, kana munhu asingadi kuwana mukadzi wehama yake, mukadzi achaenda kuvakuru pasuo reguta agoti, “Hama yomurume wangu yaramba kumutsa zita romukoma wake muIsraeri. Haadi kuita zvinofanira kuitwa nehama yomurume kwandiri.” Ipapo vakuru veguta romurume uyu vanofanira kumudana vataure naye. Kana akaramba achiti, “Handidi zvangu kumuwana,” chirikadzi yehama yake inofanira kuenda kwaari pamberi pavakuru, agomubvisa imwe yeshangu dzake, uye agomusvipira mate kumeso achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa kumurume anoramba kuvaka imba yomukoma wake.” Imba yomurume uyu ichazivikanwa muIsraeri nezita rokuti Imba yoMurume Akabviswa Shangu Yake.

Kana varume vaviri vachirwa ipapo mukadzi womumwe wavo akauya kuzonunura murume wake pane anomurwisa, uye akaswedera akabata murume uya nhengo dzake, munofanira kugura ruoko rwake. Musamunzwira tsitsi.

Usava nezviyereso zviviri zvisina kuenzana muhomwe yako, chimwe chinorema, chimwe chakareruka. Usava nezvipimiso zviviri zvakasiyana mumba mako, chimwe chikuru, chimwe chiduku. Unofanira kuva nezviereso nezvipimiso zvakanaka uye zvechokwadi kuitira kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako. Nokuti Jehovha Mwari wako anonyangadzwa nomunhu anoita zvinhu izvi, munhu upi zvake, anoita zvinhu nokusatendeka.

Murangarire zvamakaitirwa navaAmareki parwendo rwenyu pamakabuda kubva muIjipiti. Pamakanga maziya uye maneta, vakasangana nemi parwendo rwenyu vakauraya vose vakanga vachisaririra shure; vakanga vasingatyi Mwari. Kana Jehovha Mwari wenyu akupai zvose kubva kuvavengi vakakupoteredzai munyika yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, munofanira kudzima kurangarirwa kwaAmareki kubva pasi pedenga. Musazokanganwa!

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.