Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Dhuteronomi 23

Kudziviswa Kusvika paUngano

Hapana murume akakuvadzwa manhu ake kana kubviswa nhengo yake achapinda paungano yaJehovha.

Hapana munhu akaberekwa noupombwe, kana vana vake, anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kuchizvarwa chegumi.

Hapana muAmoni kana muMoabhu, kana munhu upi worudzi rwake anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kuchizvarwa chegumi. Nokuti havana kuuya kuzokuchingamidzai nechingwa nemvura parwendo rwenyu pamakabuda kubva muIjipiti, uye vakaripa Bharamu mwanakomana waBheori wePetori muAramu Naharaimu kuti akutukei. Asi, Jehovha Mwari wenyu haana kuteerera Bharamu asi akashandura kutuka akakuropafadzai, nokuti Jehovha Mwari wenyu anokudai. Usatsvaka rugare kana ushamwari navo mazuva ose oupenyu hwako!

Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako. Usasema muIjipita nokuti wakagara somutorwa munyika yake. Rudzi rwechitatu rwavana vake runogona harwo kupinda paungano yaJehovha.

Kusachena muMusasa

Kana muchinge maungana kuti murwe navavengi venyu, zvichengetedzei kubva pazvinhu zvose zvakaipa. Kana mumwe wavarume venyu asina kuchena nokuda kwokuti akazvirotera usiku, anofanira kubuda kunze kwomusasa agareko. Asi kana ava madekwana anofanira kuzvigeza, uye pakuvira kwezuva ngaapinde zvake mumusasa.

Munofanira kuva nenzvimbo kunze kwomusasa kwamunofanira kuenda muchinozvibatsira. Sezvo panhumbi dzenyu dzokurwa nadzo paine zvokucheresa, zvino kana uchinge wapedza kuzvibatsira, unofanira kufushira gomba rawazvibatsira. Nokuti Jehovha Mwari wako anofamba-famba pamusasa wenyu achikuchengetedzai nokukurwirai kubva kuvavengi venyu. Musasa wenyu unofanira kuva mutsvene, kuitira kuti arege kuona zvisakarurama pakati penyu uye akazokufuratirai.

Mimwe Mirayiro

Kana muranda atizira kwauri, usamudzosera kuna tenzi wake. Murege agare pakati penyu paanoda hake uye muguta ripi raachasarudza. Usamumanikidza.

Hakuna muIsraeri, murume kana mukadzi achava mhombwe. Hamufaniri kuuya nomubayiro wechifeve kana wemhombwe mumba maJehovha Mwari wenyu kuti mupike nawo. Nokuti zvose izvi zviri zviviri zvinonyangadza Jehovha Mwari wenyu.

Usaripisa hama yako mhindu, ingava yemari kana zvokudya kana chinhu chipi zvacho chaungawane mhindu kubva pachiri. Ungaripisa zvako mutorwa mhindu, asi kwete hama yako muIsraeri, kuitira kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pane zvose zvaungabate noruoko rwako munyika yauri kupinda kuti ive yenyu.

Kana ukaita mhiko pamberi paJehovha Mwari wako, usanonoka kuiripa, nokuti Jehovha Mwari wako zvirokwazvo achaibvunza kwauri uye uchava nemhosva yechivi. Asi kana ukarega kuita mhiko, haungavi nemhosva. Uchenjerere kuti uite zvose zvaunotaura nomuromo wako, nokuti wakaita mhiko nokuda kwako kuna Jehovha Mwari wako nomuromo wako.

Kana ukapinda mumunda womuzambiringa womuvakidzani wako, ungadya mazambiringa ose aunoda asi haufaniri kuisa mamwe mudengu rako. Kana ukapinda mumunda wezviyo womuvakidzani wako, ungavhuna hako hura noruoko rwako, asi haufaniri kucheka zviyo zvake nejeko.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.