Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

2 Makoronike 19

Jehoshafati mambo weJudha paakadzoka zvakanaka kumuzinda wake muJerusarema, Jehu muoni, mwanakomana waHanani, akabuda kundosangana naye akati kuna mambo, “Mungabatsira here vanhu vakaipa uye mugoda avo vanovenga Jehovha? Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaJehovha kwava pamusoro penyu. Kunyange zvakadaro hazvo, mamuri mune zvakanaka nokuti makabvisa matanda aAshera munyika uye makaisa mwoyo wenyu pakutsvaka Mwari.”

Jehoshafati anogadza Vatongi

Jehoshafati aigara muJerusarema, uye akaendazve pakati pavanhu vokuBheeri Shebha kunyika yezvikomo yaEfuremu akavadzosa kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo. Akagadza vatongi munyika muguta rimwe nerimwe reJudha rakakomberedzwa namasvingo. Akavaudza kuti, “Cherechedzai zvikuru zvamunoita, nokuti hamusi kutongera vanhu asi Jehovha, uyo anenge anemi pamunopa mitongo. Zvino kutya Jehovha ngakuve pamusoro penyu mutonge zvakanaka, nokuti kuna Jehovha Mwari wedu hakuna kusaruramisira kana kutsaura vanhu kana kugamuchira fufuro.”

MuJerusarema, Jehoshafati akagadza vamwe vevaRevhi, vaprista navakuru vemhuri dzavaIsraeri kuti vagochengetedza murayiro waJehovha uye kuti vapedze gakava, uye vakagara muJerusarema. Akavapa mirayiro iyi: “Munofanira kubata basa makatendeka nomwoyo wose muchitya Jehovha. Munyaya ipi neipi inouya kwamuri kubva kuna vamwe vomunyika yenyu vanogara mumaguta, kungava kuteuka kweropa kana zvimwewo zvinotaurwa nomurayiro, zvakarayirwa, mitemo kana zvirevo, munofanira kuvayambira kuti vasatadzira Jehovha; mukasadaro kutsamwa kwake kuchauya pamusoro penyu nehama dzenyu. Itai izvi uye hamuzotadzi.

“Amaria muprista mukuru ndiye achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naJehovha. Uye Zebhadhia mwanakomana waIshumaeri mutungamiri worudzi rwaJudha, achakutongai panyaya ipi zvayo iri maererano naMambo uye vaRevhi vachashanda savatariri pamberi penyu. Itai zvose nokushinga uye Jehovha ngaave navose vanoita zvakanaka.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.