Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

1 Timoti 2

Dzidziso pamusoro poKunamata

Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi. Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri mumwe chete pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu. Uyo akazvipa sorudzikinuro kuvanhu vose, uchapupu hwakapiwa panguva yakafanira. Uye nokuda kwechikonzero ichi ndakaitwa muparidzi nomupostori, ndinokuudzai chokwadi, handisi kureva nhema, uye ndiri mudzidzisi wokutenda kwechokwadi kune veDzimwe Ndudzi.

Ndinoda kuti varume kwose kwose vasimudze maoko matsvene pakunyengetera, vasina kutsamwa kana nharo.

Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji, asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari.

Mukadzi ngaadzidze akanyarara uye nokuzviisa pasi kwose. Handitenderi kuti mukadzi adzidzise kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara. Nokuti Adhamu ndiye akatanga kuumbwa, tevere Evha. Uye Adhamu haasi iye akanyengerwa; mukadzi ndiye akanyengerwa akava mutadzi. Asi vakadzi vachaponeswa nokubereka vana kana vachirambira mukutenda, murudo noutsvene, uye nokuzvidzora.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.