Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

1 Madzimambo 10

Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni

Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa nezvomukurumbira waSoromoni noukama hwake nezita raJehovha, akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma. Akasvika paJerusarema navanhu vakawanda, nengamera dzakanga dzakatakura zvinonhuhwira, goridhe rakawanda kwazvo, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye pamusoro pezvose zvaiva mupfungwa dzake. Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hapana chakanga chakanyanya kuomera mambo kuti amutsanangurire. Mambokadzi weShebha akati aona uchenjeri hwose hwaSoromoni nomuzinda waakanga avaka, zvokudya zvaiva patafura yake, urongwa hwokugara kwamachinda ake, varanda vake vaimushandira nezvipfeko zvavo, vadiri vake, nezvipiriso zvinopiswa zvaaiita patemberi yaJehovha, akapererwa.

Akati kuna mambo, “Zvose zvandakanzwa munyika mangu pamusoro pamabasa enyu nouchenjeri hwenyu zvaiva zvechokwadi. Asi handina kutenda zvinhu izvi kusvikira ndauya ndikazviona nameso angu chaiwo. Zvechokwadi, zvandakaudzwa hazvisviki pahafu yezviripo; muuchenjeri nomuupfumi mapfuura zvose zvandakanzwa. Vanhu venyu vanofanira kuva vanofara sei! Machinda enyu anofara sei, ivo vanomira pamberi penyu nguva dzose nokunzwa uchenjeri hwenyu! Jehovha Mwari wenyu ngaarumbidzwe, iye akafadzwa nemi akakuisai pachigaro choushe chaIsraeri. Jehovha akada Israeri nokusingaperi, nokuda kwaizvozvo akuitai mambo kuti muchengetedze kururamisira noutsvene.”

Akapa mambo matarenda zana namakumi maviri1 egoridhe, zvinonhuhwira kwazvo, namatombo anokosha. Hapana mumwe akazouya nezvinonhuhwira zvakawanda sezvakauyiwa nazvo namambokadzi weShebha kuna Mambo Soromoni.

Zvikepe zvaHiramu zvakauya negoridhe kubva kuOfiri; uyewo zvakauya nemiti yemiarumugi namatombo anokosha kubva ikoko. Mambo akashandisa miarumugi iyi kuita mbiru dzetemberi yaJehovha, nedzomuzinda wamambo, uye kugadzira mbira nemitengeranwa zvaishandiswa navaimbi. Miti yemiarumugi yakawanda kudai haina kuzombouyiswa munyika zvakare kana kuonekwa zvakare kubvira musi iwoyo.

Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvaaida nezvaakakumbira, pamusoro pezvaakamupa zvaibva papfuma yake youmambo. Ipapo akabva asimuka navaranda vake akadzokera kunyika yake.

Pfuma yaSoromoni nembiri yake

Uremu hwegoridhe raitambirwa naSoromoni gore negore hwaisvika matarenda mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu2, pasingaverengerwi mari yomutero yairipiswa vatengesi vakuru navatengesi vadiki, namadzimambo ose eArabhia navabati venyika.

Mambo Soromoni akaita mazana maviri enhoo huru dzegoridhe rakarohwa nenyundo; nhoo imwe neimwe yaiva yakagadzirwa namazana matanhatu amashekeri3 egoridhe. Akaitawo mazana matatu enhoo diki dzegoridhe rakarohwa nenyundo, nhoo imwe neimwe yakagadzirwa nemamina matatu4 egoridhe. Mambo akadziisa muMuzinda weSango reRebhanoni.

Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou akachifukidza negoridhe rakanakisisa. Chigaro ichi chaiva namatanhiko matanhatu, uye musoro wechigaro wakanga uri wedenderedzwa shure kwacho. Kumativi maviri echigaro kwaiva nezvitsigiro zvamaoko zviviri, uye shumba mbiri dzakanga dzakamira pamativi ezvitsigiro zviviri izvi. Shumba gumi nembiri dzakanga dzakamira pamatanhiko matanhatu, imwe chete kwaiperera danhiko rimwe nerimwe. Hakuna zvakadai zvakanga zvamboitirwa humwe umambo. Midziyo yose yaMambo Soromoni yokunwira yaiva yegoridhe rakanakisisa. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti sirivha yakanga isingakoshi zvikuru mumazuva aSoromoni. Mambo aiva nechitsama chezvikepe zveTashishi pagungwa izvo zvaiva pamwe chete nezvikepe zvaHiramu. Zvikepe zveTashishi izvi zvaiuya kamwe chete mumakore matatu zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou, mapikoko namakudo.

Mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose panyika paupfumi napauchenjeri. Nyika yose yakada kuzosangana naSoromoni kuti inzwe uchenjeri hwakanga waiswa mumwoyo make naMwari. Gore negore munhu wose aiuya nechipo, zvinhu zvakagadzirwa nesirivha nezvegoridhe, mbatya, zvombo nezvinonhuhwira, namabhiza namanyurusi.

Soromoni akaunganidza ngoro namabhiza; akanga ane ngoro dzinokwana chiuru namazana mana namabhiza anokwana zviuru gumi nezviviri, zvaaichengeta kumaguta engoro nomuJerusarema maaivawo. Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye misidhari yakawanda kunge mionde yomuzasi mamakomo. Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe vatengesi vamambo vainoatengera kuKuwe. Vakatenga imwe ngoro kuIjipiti namashekeri esirivha mazana matanhatu5, rimwe bhiza rikaita zana namakumi mashanu6. Vaitengeserawo kumadzimambo avaHiti navaAramu.

Source notes (6)
  1. Footnote matani angaita 4
  2. Footnote matani angaita 23
  3. Footnote makirogiramu angaita 3.5
  4. Footnote makirogiramu angaita 1.7
  5. Footnote makirogiramu angaita 7
  6. Footnote makirogiramu angaita 1.7

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.