Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

1 Makoronike 7

Isakari

Vanakomana vaIsakari vaiva:

Tora, Puwa, Jashubhi, naShimironi; vose vaiva vana.

Vanakomana vaTora vaiva:

Uzi, Refaya, Jerieri, Jamai, Ibhisami naSamueri, vakuru vedzimba dzavo. Pamazuva okutonga kwaDhavhidhi, zvizvarwa zvaTora zvakaverengwa savarwi munhoroondo yavo zvakasvika zviuru zvina makumi maviri nezviviri namazana matanhatu.

Mwanakomana waUzi aiva:

Izirahia.

Vanakomana vaIzirahia vaiva:

Mikaeri, Obhadhia, Joere naIshia. Vose vari vashanu vaiva madzishe. Munhoroondo yemhuri yavo, vakanga vaine varume zviuru makumi matatu nezvitanhatu vakanga vakagadzirira kurwa, nokuti vakanga vaine vakadzi vazhinji navanakomana vazhinji.

Hama dzavo vakanga vari varume vokurwa vari vedzimba dzose dzaIsakari, sokunyorwa kwazvakanga zvakaita munhoroondo yavo, vose vaisvika zviuru makumi masere nezvinomwe.

Bhenjamini

Vanakomana vaBhenjamini vatatu vaiva:

Bhera, Bhekeri, naJedhiaeri.

Vanakomana vaBhera vaiva:

Ezibhoni, Uzi, Uzieri, Jerimoti naIri, vose vakuru vedzimba vashanu pamwe chete. Munhoroondo yavo varwi vakanyorwa vaiva varume zviuru makumi maviri nezviviri namakumi matatu navana.

Vanakomana vaBhekeri vaiva:

Zemira, Joashi, Eriezeri, Erioenai, Omiri, Jeremoti, Abhija, Anatoti naAremeti. Vose ava vaiva vakomana vaBhekeri. Munhoroondo yavo, vakuru vemhuri vakanyorwa uye vari varwi vaiva zviuru makumi maviri namazana maviri.

Mwanakomana waJedhiaeri

ainzi Bhirihani.

Vanakomana vaBhirihani vaiva:

Jehushi, Bhenjamini, Ehudhi, Kenana, Zetani, Tashishi naAhishahari. Vanakomana ava vose vaJedhiaeri vaiva vakuru vemhuri. Paiva nezviuru gumi nezvinomwe namazana maviri avarume vokurwa vakanga vakagadzirira kuenda kuhondo.

VaShupi navaHupi vaiva zvizvarwa zvaIri, uye vaHushi vaiva zvizvarwa zvaAheri.

Nafutari

Vanakomana vaNafutari vaiva:

Jazieri, Guni, Jezeri naShiremi, zvizvarwa zvaBhiriha.

Manase

Zvizvarwa zvaManase zvaiva:

Asirieri chizvarwa chake kubudikidza nomurongo wake muAramu. Iye akaberekawo Makiri baba vaGireadhi. Makiri akatora mukadzi kubva pakati pavaHupi navaShupi. Zita rehanzvadzi yake rainzi Maaka. Chimwezve chizvarwa chainzi Zerofehadhi, akanga aine vanasikana chete. Mukadzi waMakiri Maaka akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Pereshi. Mununʼuna wake ainzi Shereshi, uye vanakomana vake vaiva Uramu naRakemu.

Mwanakomana waUramu

ainzi Bhedhani.

Ava ndivo vaiva vanakomana vaGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase.

Hanzvadzi yake Hamoreketi akabereka Ishodhi, Abhiezeri naMara.

Vanakomana vaShimidha vaiva:

Ahiani, Shekemu, Riki naAniami.

Efuremu

Zvizvarwa zvaEfuremu zvaiva:

Shutera, Bheredhi mwanakomana wake,

Tahati mwanakomana wake, Ereadha mwanakomana wake,

Tahati mwanakomana wake, Zabhadhi mwanakomana wake

naShutera mwanakomana wake.

(Ezeri naEreadha vakaurayiwa navarume veGati vakanga vakaberekerwa munyika iyi pavakaburukira kundopamba zvipfuwo zvavo. Baba wavo Efuremu akavachema kwamazuva mazhinji uye hama dzake dzakauya kuzomunyaradza. Ipapo akarara nomukadzi wake zvakare akava nemimba uye akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Bheria nokuti mumhuri yake makanga maita dambudziko. Mwanasikana wake ainzi Sheera, uye akavaka Bheti Horoni, yeZasi neyokumusoro uyewo neUzeni Sheera.)

Refa aiva mwanakomana wake, Reshefi mwanakomana wake,

Tera mwanakomana wake, Tahani mwanakomana wake,

Radhani mwanakomana wake, Amihudhi mwanakomana wake,

Erishama mwanakomana wake, Nuni mwanakomana wake

naJoshua mwanakomana wake.

Nyika dzavo nemisha yavo zvaisanganisira Bheteri nemisha yose yakaripoteredza, Naarani kumabvazuva, Gezeri nemisha yaro, kumavirira neShekemu nemisha yaro kuenda kunosvika kuAya nemisha yaro. Pamiganhu yaManase paiva neBheti Shani, Taanaki, Megidho neDhori pamwe chete nemisha yawo. Zvizvarwa zvaJosefa mwanakomana waIsraeri zvaigara mumaguta aya.

Asheri

Vanakomana vaAsheri vaiva:

Imina, Ishivha, Ishivhi naBheria. Hanzvadzi yavo yainzi Sera.

Vanakomana vaBheria vaiva:

Hebheri naMarikieri, uyo aiva baba vaBhirizaiti.

Hebheri aiva baba vaJafireti, Shomeri naHotami uye nehanzvadzi yavo Shua.

Vanakomana vaJafireti vaiva:

Pasaki, Bhimari naAshivhati.

Ava ndivo vaiva vanakomana vaJafireti.

Vanakomana vaShomeri vaiva:

Ahi, Roga, Hubhai naAramu.

Vanakomana vomununʼuna wake Heremu vaiva:

Zofa, Imina, Shereshi, naAmari.

Vanakomana vaZofa vaiva:

Sua, Haneferi, Shuari, Bheri, Imira, Bhezeri, Hodhi, Shama Shirisha, Itirani, naBheera.

Vanakomana vaJeteri vaiva:

Jefune, Pisipa naAra.

Vanakomana vaUra vaiva:

Ara, Hanieri, naRizia.

Vose ava vaiva zvizvarwa zvaAsheri, vakuru vemhuri yavo, varume vakanga vakasarudzika, varwi vakanga vakashinga uye vari vatungamiri vakasanangurika. Uwandu hwavarume vakanga vakagadzirira kurwa sezvazvakanyorwa munhoroondo yavo hwaiva zviuru makumi maviri nezvitanhatu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.