Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

1 Makoronike 20

Kutapwa kweRabha

Munguva yechirimo, panguva iyo madzimambo anoenda kuhondo, Joabhu, akatungamirira mauto akashonga zvombo zvokurwa. Akaparadza nyika yavaAmoni akaenda kuRabha akandorikomba, asi Dhavhidhi akasara muJerusarema. Joabhu akarwisa Rabha akarisiya raparara. Dhavhidhi akatora korona kubva pamusoro wamambo wavo, uremu hwayo hwakaonekwa kuti hwaiva tarenda1 regoridhe uye yakanga ina mabwe anokosha uye yakaiswa pamusoro paDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo muguta iri uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavatongera kuti vashande namajeko namapiki namatemo. Dhavhidhi akaita saizvozvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yake yose akadzokera kuJerusarema.

Hondo navaFiristia

Nokufamba kwenguva, hondo yakatanga navaFiristia paGezeri. Panguva iyoyi Sibhekai muHushati akauraya Sipai, mumwe wezvizvarwa zvavaRefa, vaFiristia vakakundwa.

Mune kumwe kurwisana navaFiristia, Erihanani mwanakomana waJairi akauraya Rami mununʼuna waGoriati muGiti, aiva nepfumo raiva nomubato wakafanana nedanda romuruki.

Mune kumwe kurwisana zvakare, kwakaitika paGati paiva nomumwe murume mukuru kwazvo aiva neminwe mitanhatu muruoko rumwe norumwe nezvigunwe zvitanhatu kugumbo rimwe nerimwe, zvose pamwe chete zvaiva makumi maviri nezvina. Aivawo worudzi rwaRafa. Paakatuka Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea, mununʼuna waDhavhidhi akamuuraya.

Izvi ndizvo zvizvarwa zvaRafa muGati, uye vakaurayiwa naDhavhidhi navanhu vake.

Source notes (1)
  1. Footnote makirogiramu angaita 34

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.