Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

1 Makoronike 14

Imba yaDhavhidhi neMhuri Yake

Zvino Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba youmambo. Uye Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha akanga amusimbisa samambo pamusoro peIsraeri uye kuti umambo hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Israeri.

MuJerusarema, Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi akava baba vavanakomana navanasikana vazhinji. Aya ndiwo mazita avana vaakaberekerwa ikoko: Shamua, Shobhabhi, Natani, Soromoni, Ibhari, Erishua, Eripereti, Noga, Nefegi, Jafia, Erishama, Bheeriyadha naErifereti.

Dhavhidhi Anokunda vaFiristia

VaFiristia pavakanzwa kuti Dhavhidhi akanga agadzwa kuti ave mambo weIsraeri, vakaenda nehondo yose kundomutsvaka, asi Dhavhidhi akazvinzwa akabuda kundosangana navo. Zvino vaFiristia vakanga vauya kuzopamba mupata weRefaimi; saka Dhavhidhi akabvunza kuna Mwari akati, “Ndingaenda here kundorwisa vaFiristia? Mungavaisa mumaoko angu here?”

Jehovha akapindura akati, “Enda ndichavaisa mumaoko ako.”

Saka Dhavhidhi navanhu vake vakakwidza kuBhaari Perazimu uye ikoko akavakunda akati, “Sokupwanya kunoita mvura, Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu.” Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kunzi Bhaari Perazimu. VaFiristia vakasiya vamwari vavo ipapo, Dhavhidhi akarayira kuti vapiswe mumoto.

VaFiristia vakarwisa zvakare mupata uya. Saka Dhavhidhi akabvunza Mwari zvakare, Mwari akamupindura akati, “Usangonanga ikoko asi vakomberedze wozovarwisa wava pamberi pemiti yemibharisamu. Pamunotanga kunzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisamu, unofanira kubuda kundorwa, nokuti zvichange zvichireva kuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFiristia.” Saka Dhavhidhi akaita sokurayirwa kwaakanga aitwa naMwari, uye vakaparadza hondo yavaFiristia, kubva kuGibheoni, kusvika kuGezeri.

Saka mukurumbira waDhavhidhi wakapararira nenyika yose uye Jehovha akaita kuti marudzi ose amutye.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.