Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

1 Makoronike 1

Zvinyorwa zvenhoroondo kubva kuna

Adhamu kusvika kuna Abhurahama

Kusvika kuvanakomana vaNoa

Adhamu, Seti, Enoshi,

Kenani, Maharareri, Jaredhi,

Inoki, Metusera, Rameki,

Noa.

Vanakomana vaNoa vaiva: Shemu, Hamu, naJafeti.

VaJafeti

Vanakomana vaJafeti vaiva:

Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Tubhari, Mesheki naTirasi.

Vanakomana vaGomeri vaiva:

Ashikenazi, Rifati naTogarima.

Vanakomana vaJavhani vaiva:

Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhanimi.

VaHamu

Vanakomana vaHamu vaiva:

Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.

Vanakomana vaKushi vaiva:

Sebha, Havhira, Sabata, Raama naSabhiteka.

Vanakomana vaRaama vaiva:

Shebha naDedhani.

Kushi aiva baba vaNimurodhi;

uyo akakura akava murwi mukuru panyika.

Miziraimi aiva baba

vavaRudhi, vaAnami, vaRehabhi, vaNafutuhi, vaPatiri, vaKasiruhi (umo makazobvawo vaFiristia) navaKafitori.

Kenani aiva baba

vaSidhoni dangwe rake, nevaHiti, vaJebhusi vaAmori, vaGirigashi, vaHivhi, vaAriki, vaSini, vaArivhadhi, vaZemari nevaHamati.

VaSemi

Vanakomana vaShemu vaiva:

Eramu, Ashua, Arifakisadhi, Rudhi naAramu.

Vanakomana vaAramu vaiva:

Uzi, Huri, Geteri naMesheki.

Arifakisadhi aiva baba vaShera,

uye Shera aiva baba vaEbheri.

Vanakomana vaviri vakaberekerwa Ebheri:

mumwe ainzi Peregi, nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamurana; mununʼuna wake ainzi Jokitani.

Jokitani aiva baba

vaArimodhadhi, Sherefi, Hazarimavheti, Jera, Hadhoramu, Uzari, Dhikira, Obhari, Abhimaeri, Shebha, Ofiri, Havhira naJobhabhi. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

Shemu, Arifakisadhi, Shera,

Ebheri, Peregi, Reu,

Serugi, Nahori, Tera

naAbhurama (iye Abhurahama).

Mhuri yaAbhurahama

Vanakomana vaAbhurahama vaiva: Isaka naIshumaeri.

Zvizvarwa zvaHagari

Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvavo:

Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami, Mishima, Dhuma, Masa, Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi, naKedhema.

Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri.

Zvizvarwa zvaKetura

Vanakomana vakaberekwa naKetura, murongo waAbhurahama vaiva:

Zimirani, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua.

Vanakomana vaJokishani vaiva:

Shebha naDhedhani.

Vanakomana vaMidhiani vaiva:

Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha.

Ava vose vaiva zvizvarwa zvaKetura.

Zvizvarwa zvaSara

Abhurahama aiva baba vaIsaka.

Vanakomana vaIsaka vaiva:

Esau naIsraeri.

Vanakomana vaEsau

Vanakomana vaEsau vaiva:

Erifazi, Reueri, Jeushi, Jaramu, naKora.

Vana vaErifazi vaiva:

Temani, Omari, Zefo, Gatami, naKenazi;

naTimina, vakabereka Amareki.

Vanakomana vaReueri vaiva:

Nahati, Zera, Shama naMiza.

VaSeiri muEdhomu

Vanakomana vaSeiri vaiva:

Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, Dhishoni, Ezeri naDhishani.

Vanakomana vaRotani vaiva:

Hori naHomami, Timina aiva hanzvadzi yaRotani.

Vanakomana vaShobhari vaiva:

Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.

Vanakomana vaZibheoni vaiva:

Aya naAna.

Mwanakomana waAna

ainzi Dhishoni.

Vanakomana vaDhishoni vaiva:

Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.

Vanakomana vaEzeri vaiva:

Bhirihani, Zaavhani naAkani.

Vanakomana vaDhishani vaiva:

Uzi naArani.

Vatongi veEdhomu

Aya ndiwo aiva madzimambo aitonga muEdhomu kusati kwava namambo upi zvake aitonga muIsraeri vaiva:

Bhera mwanakomana waBheori, guta rake rainzi Dhinihabha.

Bhera paakafa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.

Jobhabhi paakafa, Hushami aibva kunyika yevaTemani akamutevera paumambo.

Hushami paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi uyo akakunda Midhiani munyika yaMoabhu akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Avhiti.

Hadhadhi paakafa Samira aibva kuMasireka akamutevera paumambo.

Samira paakafa, Shauri aibva kuRehobhoti parwizi akamutevera paumambo.

Shauri paakafa Bhaari Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.

Bhaari Hanani paakafa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rainzi Pau uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri, mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi. Hadhadhi akafawo.

Madzishe eEdhomu aiva:

Timina, Arivha, Jeteti Ohoribhama, Era, Pinoni, Kenazi, Temani, Mibhiza, Magidhieri naIrami.

Aya ndiwo aiva madzishe eEdhomu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.