Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Zvirevo 19

Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama,

pane benzi rine muromo wakatsauka.

Hazvibatsiri kushingaira usina zivo,

kana kukurumidza uchizorasika nzira.

Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake,

asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha.

Pfuma inouyisa shamwari zhinji,

asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.

Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa,

uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.

Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi,

uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.

Murombo anoraswa nehama dzake dzose,

kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii!

Kunyange akavatevera achidemba kwazvo

havangawanikwi.

Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake;

uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.

Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa,

uye uyo anodurura manyepo achaparara.

Hazvina kufanira kuti benzi rigarike,

ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda!

Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu;

kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.

Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba,

asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.

Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake,

uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.

Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki,

asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.

Usimbe hunouyisa hope dzakadzama,

uye munhu asingashandi achafa nenzara.

Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake,

asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa.

Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha,

uye achamupa mubayiro wezvaakaita.

Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro;

usava nechikamu pakuparadzwa kwake.

Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa mhosva yake;

kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve.

Teerera zano ugamuchire kurayirwa,

uye pakupedzisira uchava wakachenjera.

Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu,

asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudirira.

Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi;

zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.

Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu:

Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko.

Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro;

igotadza kunyange kurwudzosa kumuromo wayo!

Rova museki, ipapo vasina mano vachadzidzawo ungwaru;

tsiura munhu ane njere, ipapo achawana zivo.

Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake

mwanakomana anonyadzisa.

Mwanakomana wangu, ukasateerera kurayirwa,

uchatsauka kubva pamashoko oruzivo.

Chapupu chakaipa chinoseka kururamisira,

uye muromo womunhu akaipa unomedza zvakaipa.

Kurangwa kwakagadzirirwa vaseki, uye kurohwa misana yamapenzi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.