Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 46:10
Verse 10 is marked below, with the whole chapter around it. Read from the start
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo.
Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,
ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.
Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka,
uye makomo akawira mukatikati megungwa,
kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo,
uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera
Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari,
nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro.
Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi;
Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.
Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka;
anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.
Jehovha Wamasimba Ose anesu;
Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
Uyai muone mabasa aJehovha,
kuparadza kwaakaita panyika.
Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika;
anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo,
anopisa nhoo nomoto.
“Mirai, muzive kuti ndini Mwari;
ndichakudzwa pakati pendudzi,
ndichasimudzirwa panyika.”
Jehovha Wamasimba Ose anesu;
Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.