Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Zvirevo 9

Kukoka kwoUchenjeri nekwoUpenzi

Uchenjeri hwakavaka imba yahwo;

hwakaveza mbiru dzahwo nomwe.

Hwakabika nyama yahwo; uye hukagadzira waini yahwo;

hwakagadzirawo tafura yahwo.

Hwakatuma varandakadzi vahwo,

uye hunodanidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta.

Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti,

“Vose vasina uchenjeri ngavauye muno!

Uyai, mudye zvokudya zvangu

munwe waini yandagadzira.

Siyai nzira dzenyu dzisina mano mugorarama;

fambai munzira yokunzwisisa.

“Ani naani anorayira mudadi anozvitsvakira kutukwa;

ani naani anotsiura munhu akaipa anozviwanira kutukwa.

Usatsiura mudadi kuti arege kukuvenga;

tsiura munhu akachenjera uye achakuda.

Rayira munhu akachenjera uye achawedzera uchenjeri hwake;

dzidzisa munhu akarurama uye achawedzera kudzidza kwake.

“Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri,

uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

Nokuti neni mazuva ako achava mazhinji,

uye makore achawedzerwa kuupenyu hwako.

Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro;

kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura.”

Mukadzi benzi ane ruzha;

haana kudzikama uye haana zivo.

Anogara pamusuo wemba yake,

napachigaro chiri panzvimbo yakakwiririsa yeguta,

achidanidzira kuna avo vanenge vachipfuura napo,

vaya vanofamba zvakarurama nenzira yavo.

Anoti kuna vaya vasina njere,

“Vose vasina mano ngavauye muno!

Mvura yakabiwa inozipa;

zvokudya zvinodyirwa muchivande zvinonaka!”

Asi zvavasingazivi ndezvokuti mune vakafa,

uye kuti vanomushanyira vari mukati kati meguva.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.